Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvakaratidzwa 16:8-21

Zvakaratidzwa 16:8-21 SCLB

Mutumwa wechina akadururira ndiro yake pazuva rikabvumirwa kupisa vanhu nomoto. Vanhu vakapiswa nokupisa kunotyisa kwazvo. Vakashonha zita raMwari aiva nesimba pamusoro pepfumvu uye havana kupinduka kuti vamurumbidze. Mutumwa wechishanu akadururira ndiro yake pachigaro choumambo chechikara chiya. Umambo hwacho hwakava murima, vanhu vakazvirumaruma rurimi mukurwadziwa. Vakashonha Mwari wedenga pamusana pokurwadziwa kwavo uye pamusana pamaronda avo asi havana kutendeuka pazviito zvavo. Mutumwa wechitanhatu akadururira ndiro yake parukova rukuru rweYufuratesi mvura yarwo ikabva yapwa kugadzirira madzimambo okumabvazuva nzira. Ndakaonawo mumuromo mezigaranyanya riya nomumuromo mechikara chiya uye nomumuromo womuporofita wenhema muchibuda mweya mitatu yakaipa yakaita samatatya. Iyoyi mweya yakaipa inoita zvishamiso inofamba nenyika yose kumadzimambo apasi pano ichivakokorodzera hondo yapazuva guru raMwari Samasimbaose. “Tarisai muone ndichauya sembavha; akakomborerwa munhu anenge akasvinura, achichengeta hanzu dzake kuti arege kufamba akadaro ari mutwi achionererwa.” Mweya iyoyo ichaunganidza madzimambo aya kunzvimbo inonzi Amagedhoni muchiHebheru. Mutumwa wechinomwe akadururira ndiro yake mumhepo, izwi guru rikabva muTemberi pachigaro choumambo richiti, “Zvaitika!” Mheni yakavaima kukadhiriridza, kukaita mabhanan'ana kukava nokundengendeka kwapasi kusati kwamboitika kubvira kuvapo kwavanhu panyika. Hakusi kukura ikoko kokundengendeka kwacho. Guta guru riya rakabva rakamurwa muzvikamu zvitatu maguta evechirudzi akaparara. Mwari haana kukanganwa guta guru reBhabhironi kuti rinofanira kunwa mukombe wehasha dzake huru. Zvitsuwa zvose zvakatiza, kana makomowo akanyangarika. Chivhuramahwe chairema makirogiramu makumi mana anamashanu chakawira vanhu chichibva mudenga kusvikira vanhu vashonha Mwari pamusana pepfumvu yechivhuramahwe, hakusi kutyisa ikoko kwepfumvu iyoyo.