Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvakaratidzwa 12:1-6

Zvakaratidzwa 12:1-6 SCLB

Zvino mudenga makaonekwa chiratidzo chinokatyamadza chomudzimai akatenderedzwa nezuva mwedzi uri pasi petsoka dzake, aine ndaza mumusoro yenyenyedzi gumi nembiri. Akanga akazvitakura achichema nokurwadziwa ava kupona achitambudzika pakusununguka. Kwakaonekwa chimwe chiratidzo mudenga chezigaranyanya guru dzvuku rine misoro minomwe negumi renyanga nengundu nomwe pamisoro yaro. Muswe waro wakakumba chikamu chechitatu chenyenyedzi dzedenga ukadzikanda pasi. Zigaranyanya riya rakandomira pamberi pomudzimai akanga ava kuda kusununguka mwana kuti ridye mwana wake paanongomupona. Akasununguka mwana mukomana aizotonga marudzi ose avanhu netsvimbo yesimbi. Mwana akabva anzi hwetu kuendwa naye kuna Mwari nokuchigaro chake choumambo. Mudzimaiwo ndokuti ware kutizira kurenje kune nzvimbo yaakanga agadzirirwa naMwari maaizoriritirwa kwamazuva ane chiuru namazana maviri namakumi matanhatu.