Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nziyo 42:1-4

Nziyo 42:1-4 SCLB

Sokusuwira mvura inoyerera – kunoita nondo, ndiko kukusuwirai kwandinoita, Mwari. Mweya wangu une nyota nemi Mwari, imi Mwari mupenyu. Ndichauya riniko ndizoona uso hwaMwari? Upenyu hwangu yangova misodzi chete siku nesikati vanhu vachingonditi, “Iye Mwari wako aripi?” Zvinhu izvi ndinozviyeuka ndichirwadziwa mwoyo: kuenda kwandaiita negurusvusvu ravanhu ndichitungamirira dungwerungwe ravo kuimba yaMwari nomupupuru nedzimbo dzokutenda, manyore manyore avanhu vachichengeta zuva guru.

Verenga chikamu Nziyo 42