Chitadzo chinotaura revo kune wakaipa mukatikati memwoyo wake chichiti kwaari zvokutya Mwari hapana. Anozvibata kumeso mukufunga kwake achiti: uipi hwake haugone kuzivikanwa nokuvengwa. Mazwi anobva pamuromo pake akaipa uye ndookunyengedza. Haachaiti zvina ungwaru kana zvakanaka. Anoronga zvinhu zvakaipa ari paanorara wotobva wozvirongera gwara risina kunaka; haavengi uipi. Mwoyochena wenyu, TENZI, unosvika kumatenga; uye kutendeka kwenyu kunosvika kumakore. Ururami hwenyu hwakaita samakomo aMwari; kutonga kwenyu kwaita sehwenje hwakadzika munonunura munhu nemhuka, TENZI. Hakusi kukosha ikoko kwakaita mwoyochena wenyu Mwari! Vanhu vanopotera mumumvuri wamapapiro enyu. Vanodyiririra zvakawanda zvomumba menyu. Munovanwisa parwizi rwezvinofadza zvenyu. Imi ndimi mune chisipiti choupenyu muchiedza chenyu ndimo matinoona chiedza. Rambai muchiita mwoyochena wenyu kuna vanokuzivai uye muponese vano mwoyo yakarurama. Rutsoka rwavanozvikudza ngarurege kunditsika kana kutinhwa noruoko rwowakaipa. Ipapo vakaipa vachati rakata kurara, vachati umburu pasi, vasisagoni kusimuka.
Verenga chikamu Nziyo 36
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Nziyo 36:1-12
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo