Ndicharumbidza TENZI nguva dzose kumurumbidza hakuchabvi pamuromo pangu. Ini ndinodada naTENZI. Dai varombo vakazvinzwawo vafare. Ngatikudzei TENZI pamwechete neni, ngatirumbidzei zita rake pamwechete. Ndakatsvaka TENZI akandipindura; akandinunura kunazvose zvaindityisa. Tarisai kwaari mupenye, naizvozvo uso hwenyu hauzombonyari. Murombo uya akachema TENZI akamunzwa akamununura kumatambudziko ake ose. Mutumwa waTENZI anokomberedza vanomutya achivanunura. Ravirai munzwe kunaka kwaTENZI, akakomborerwa munhu anopotera kwaari. Ityai TENZI imi vatsvene vake; vanomutya hapana chavanoshaya. Zvigondora zveshumba zvinoshaya chokubata, zvinonzwa nzara; asi vanotsvaka TENZI hapana chavanoshaya.
Verenga chikamu Nziyo 34
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Nziyo 34:1-10
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo