Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nziyo 25:1-15

Nziyo 25:1-15 SCLB

Ndinosimudzira mwoyo wangu kwamuri TENZI. Mwari wangu ndinovimba nemi, musandirege ndichinyadziswa; vavengi vangu ngavarege kunditsvinyira. Vose vanotarisira mamuri ngavarege kunyadziswa; asi vanonyengedza pasina chikonzero ngavanyadziswe. TENZI, ndiziviseiwo nzira dzenyu ndidzidziseiwo makwara enyu. Nditungamirireiwo muchokwadi chenyu mundidzidzise nokuti ndimi Mwari muponesi wangu. Ndinotarisira kwamuri zuva rose. Rangarirai, TENZI, tsitsi dzenyu uyewo mwoyochena wenyu nokuti zvaivapo kubvira pasi chigare. Musarangarire zvitadzo zvapauduku hwangu kana zvikanganiso zvangu. Maererano nemwoyochena wenyu, ndiyeukeiwo TENZI pamusana porunako rwenyu. TENZI akanaka uye akarurama saka anodzidzisa vatadzi nzira. Anotungamirira vanozvirereka muururami achidzidzisa vanozvirereka nzira yake. Nzira dzose dzaTENZI, mwoyochena nechokwadi kuna vanochengeta chitenderano chake nemitemo yake. Pamusana pezita renyu, TENZI ndiregerereiwo chitadzo changu nokuti chakakura. Ndiani anotya TENZI? Iyeyo ndiye waachadzidzisa nzira yaanofanira kusarudza. Iye acharamba achibudirira, vana vake vachava varidzi venyika. Ushamwari naTENZI ndehwevanomutya uye anovazivisa chitenderano chake. Meso angu anogara akatarisa kuna TENZI nokuti ndiye anotakanura makumbo angu mumambure.

Verenga chikamu Nziyo 25