Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nziyo 24:1-10

Nziyo 24:1-10 SCLB

Nyika ndeyaTENZI nazvose zviri mairi, pasi pose zvapo navanhu vanogarapo ndezvake nokuti akaidzika mumakungwa, akaimisa panzizi. Ndiani angakwire mugomo raTENZI? Ndiani angamire munzvimbo yake inoera? Munhu ana maoko akachena nomwoyo wakachena. Munhu asina kupika neni nhando kana kupika nhema. Achawana chikomborero chinobva kuna TENZI achanzi munhu akarurama naMwari mununuri wake. Ndizvo zvakaita chizvarwa chinomutsvaka chinotsvaka uso hwaMwari waJakobho. Dzepfunde. Imi misuo mikuru, pamusoro penyu ngapasimuke mureberere kumusoro imi misuo yechinyakare kuitira kuti mambo wembiri apinde. Ndiani Mambo wembiri? NdiTENZI ane simba nougamba. TENZI gamba romuhondo. Imi misuo mikuru pamusoro penyu ngapasimuke mureberere pamusoro imi misuo yechinyakare kuitira kuti Mambo wembiri apinde. Ndiani iyeyo mambo wembiri? TENZI wehondo nehondo ndiye Mambo wembiri. Dzepfunde.

Verenga chikamu Nziyo 24