TENZI teererai kuchemera ruenzaniso kwangu. Rerekerai nzeve yenyu kumunamato wangu unobva kumiromo isina unyengedzi. Kutongwa kwangu dai zvako kwangobva kwamuri; maziso enyu aone zviri pachokwadi. Kana mukaedzawo zvenyu mwoyo wangu; kana kuti mukandishanyira zvenyu usiku; kana mukaedza kuona zvandiri hamumboona uipi mandiri. Handimbokanganisa nomuromo wangu. Asi pane zvinoita vanhu maererano nezvamunotaura, ndakanyenyeredza nzira dzavanoutsinye. Makumbo angu akaramba akangoti munzira dzenyu tasa tsoka dzangu hadzina kutsvedza. Ndinodanidzira kwamuri Mwari nokuti munondipindura. Rerekerai nzeve yenyu kwandiri munzwe zvandinotaura. Ratidzai mwoyochena wenyu unoshamisa. Imi mununuri wavanhu vanopotera mamuri, vachitiza mhandu dzavo kurudyi rwenyu. Ndichengeteiwo semboni yeziso renyu mundivanze mumumvuri wamapapiro enyu kuvaipi vanondirwisa, vavengi vangu vanouraya vakandipoteredza. Zvokunzwa tsitsi havana; vanotaura vachizvikudza nemiromo yavo. Vanondironda vachindikomba; vakafatira kuona pavangandipunzire napo pasi. Vakaita seshumba yakagaririra kubvambura seshumba yechidiki yakavandira. Simukai TENZI muvarwise muvakurire. Ndinunureiwo nebakatwa renyu kuvakaipa noruoko rwenyu TENZI ndinunurei kuvanhu, kuvanhu vano mugove wavo pasi pano asi vazadzei dumbu nezvamakavachengetera; vana vavo vagutswewo vave nezvimwe zvavanosiirawo vacheche vavo. Asi ini nokururama kwangu ndichakuonai kana ndomuka ndofara ndichikuonai mutumbi wenyu.
Verenga chikamu Nziyo 17
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Nziyo 17:1-15
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo