Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nziyo 119:25-48

Nziyo 119:25-48 SCLB

Ndinorara muhuruva, ndimutsurudzei neshoko renyu. Dareti Pandakareurura nzira dzangu makandipindura, ndidzidziseiwo zvirevo zvenyu. Itai kuti ndinzwisise mufambiro wemitemo yenyu; ini ndichanyatsofunga nezvamabasa enyu anoshamisa. Ndaparara nokusuruvara, ndisimbiseiwo sokutsidza kwamakaita. Ndichengetei ndirege kurasika, munyatsondidzidzisawo mutemo wenyu. Ndakasarudza nzira yokutendeka, ndakaisa zvirongwa zvenyu pamberi pangu. Ndinoti kwati kwati nezvamakatema, imi TENZI regai kuti ndinyadziswe. Ndichamhanya nomugwara remitemo yenyu kana mandipa kunzwisisa kwakawanda. TENZI ndidzidziseiwo gwara rezvirevo zvenyu ndicharitevera kusvika kwokugumisa. Ite Ndipeiwo kunzwisisa ndichengete mutemo wenyu ndiutevedze nemwoyo wangu wose. Nditungamirireiwo munzira yemitemo yenyu nokuti ndinoifarira. Rerekerai mwoyo wangu kumitemo yenyu kwete kune zvinondipfumisa. Dzorai maziso angu pazvinhu zvisina maturo mundipewo upenyu mugwara renyu. Chengetai chitsidzo chenyu kumuranda wenyu chamakatsidza kuna vanokutyai. Ndinzvengeseiwo kune kushorwa kwandinotya nokuti zvirongwa zvenyu zvakanaka. Tarisai muone kuti ndinoshuwira mitemo yenyu. Pamusana pokuti makarurama, ndipeiwo upenyu. Ndiitireiwo mwoyochena wenyu, TENZI mundiponesewo sokutsidza kwenyu. Wawu Ndopandingakwanise kupindura vanonyomba nokuti ndinovimba neshoko renyu. Musaite kuti ndibva ndatadza kutaura chokwadi zvachose nokuti chitarisiro changu chiri muzvirongwa zvenyu. Ndichagara ndichichengeta mutemo wenyu narini narini. Ndichafamba ndakasununguka nokuti ndinotsvaka mitemo yenyu. Ndichataura nezvemitemo yenyu pana madzimambo, handimbonyari. Nokuti ndinofarira mitemo yenyu nokuti ndinoida. Ndinoremekedza mitemo yenyu uye ndinoida uyezve ndichafungisisa zvirevo zvenyu.

Verenga chikamu Nziyo 119