Inga ungwaru hunodanidzira wani,
runzwisiso rwunoshevedzera wani
huri pachiturunhuru chiri pedyo nenzira,
hunomira pamharadzano dzenzira
Uye parutivi pesuo guru
mberi kweguta, kokupinda nako,
hunodaidzira pamusuo.
“Ndinodaidzira kwamuri, imi vanhu,
wandinoshevedzera ndimi vanhu.
Imi voruzhinji dzidzai uchenjeri,
imi mapenzi ivai nemwoyo unonzwisisa.
Teererai nokuti ndichataura
zvinhu zvakakosha,
mumuromo mangu
muchabva zvakarurama.
Muromo wangu uchataura chokwadi
uipi chinhu chinosemesa kumuromo wangu.
Mazwi angu ose akarurama,
maari hamuna chakakombama
kana chakaminama.
Ose akati twasa kuna anonzwisisa
uye akarurama kune vanowana ruzivo.
Torai chidzidziso changu
pano kutora sirivha
uye ruzivo pane kutora ndarama yakanakisisa
nokuti ungwaru huri nani pane zvishongo,
chose chaungade hapana chingaenzane nahwo.
“Ini ungwaru ndinogara nouchenjeri,
ndine ruzivo uye ndinoziva kusarudza.
Kutya Tenzi kunoreva kuvenga uipi,
ndinovenga kuzvikudza nokuzvitutumadza
nokutaura kusina kururama.
Ndine mazano noungwaru kwahwo
ndinoziva chinonzi kusarudza
uye ndine simba.
Madzimambo ndini chavanotongesa nacho
uye vatongi vanotema zvakarurama,
chavanotema nacho ndini.
Machinda chavanotonga nacho ndini
uyewo vakuru vakuru, vose vanotonga pasi.
Ndinoda vanondida
uye vose vanonditsvaka nomwoyo wose vanondiwana.
Upfumi norukudzo ndinazvo
uye upfumi hunogara uye hunokubudirira.
Muchero wangu uri nani pane ndarama
kunyange ndarama yakanakisa
uye mukoho wangu unokunda
sirivha yakanakisisa.
Ndinofamba nenzira yoururami
namakwara oruenzaniso.
Ndinopfumisa vanondida
ndichivazadzira matura avo.
“Tenzi aiva neni
pakutanga kwamaitiro ake chaiwo,
ndini ndaiva chokutanga chezviito zvake zvakare.
Ndakaitwa pasichigare
pakutanga chaipo
nyika isati yatangiswa.
Ndakaberekwa
hwenje husati hwavapo
pasi pasati pava nezvisipiti zvizere nemvura.
Ndakaberekwa makomo asati aumbwa,
zvikomo zvisati zvavapo,
asati aita pasi neminda yapo
kana huruva yokutanga yapasi.
Paakasika matenga ndaivepo,
paakaita denderedzwa,
pamusoro pehwenje.
Paakasimbisa matenga kumusoro
paakaita zvisipiti zvomuhwenje,
paakaisira gungwa miganhu yaro
kuitira kuti mvura irege kutyora mitemo yake
paakatara ugaro hwenyika,
ipapo ndaiva parutivi pake,
ndiri nyakumupa mazano.
Ndaiva varaidzo yake zuva nezuva
ndichifara zvangu pamberi pake nguva dzose,
ndichifara munyika yake igere vanhu
uye ndichifara muvanhu.
“Zvino vanangu nditeererei,
vakakomborerwa zvavo
vanotevera nzira dzangu.
Teererai chidzidziso mungware,
musachikande pasi.
Akakomborerwa zvake
munhu anonditeerera,
anondigaririra zuva nezuva
pamisuo yangu mikuru,
akamirira pedyo nemisuo yangu.
Nokuti anondiwana,
anowana upenyu
uye anofarirwa naTenzi.
Asi munhu anondipotsa
anozvikuvadza
vose vanondivenga
vanoda rufu.”