Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Tsumo 17:1-14

Tsumo 17:1-14 SCLB

Zviri nani kuva nechipapata norunyararo pano mumba muzere nokudyiririra asi muine gakava. Muranda mungwaru anotonga mwana mukomana anoita zvinonyadzisa uye anotogoverana nhaka semukomanomun'una nevana vomo. Bisiro nderesirivha virira nderendarama asi Tenzi ndiye anoedza mwoyo. Muiti wezvakaipa anoteerera kumuromo unoreva nhema munyepi anoteerera makuhwa. Munhu anonyomba murombo anonyomba musiki wake. Munhu anofarira nhamo dzavamwe haamborega kurangwa. Vazukuru ndivo ndaza yavakwegura uye vabereki ndiyo mbiri yavana. Kutaura zvakanaka hakupindirani nebenzi ko kutozoti jinda rinotaura nhema. Pfumbamuromo kumuridzi wayo yakaita sedombo romushonga kwose kwaanoenda anobudirira. Munhu anoregerera anotsvaka rudo asi anoramba odzokorora nyaya anoputsa ukama. Kutsiurwa kunopinda mumunhu anonzwisisa kupfuura kurova benzi kazana. Munhu wakaipa anotsvaka zvokupanduka achatumirwa nhumwa inoutsinye. Zviri nani kuti munhu asangane zvake nebere gadzi ratorerwa vana varo pane kusangana nebenzi muupenzi hwaro. Munhu akatsiva chakanaka nechakaipa, zvakaipa hazvizosiana neimba yake. Kutangisa kwegakava kwakaita sokudziura mvura saka ibva gakava risati ramuka.

Verenga chikamu Tsumo 17