Naizvozvo hama dzangu dzandinoda dzandinosuwa, ndimi rufaro rwangu nechidadiso changu. Rambai makasimba muna Tenzi saizvozvo, hama dzangu dzapamwoyo. Ndinokukumbirisai imi vaYuodia navaSindike kuti munzwanane muna Tenzi. Hongu ndinokumbirawo, iwe mumwe wangu akatendeka kuti ubatsire madzimai aya nokuti vakashanda pamwechete neni mubasa reShoko Rakanaka pamwechetewo naKeremendi navamwe vose vandaishanda navo vana mazita ari mubhuku roupenyu. Farai kwazvo nguva dzose muna Tenzi. Ndinotizve farai kwazvo. Vanhu vose ngavazive kuva nemwoyo wakanaka kwenyu. Tenzi wava pedyo. Musazvidye mwoyo nechii chose zvacho; asi muna zvose, isai zvichemo zvenyu kuna Mwari nokunamata, nokuteterera nokutenda. Rugare rwaMwari runopfuura kunzwisia kose ruchachengeta mwoyo yenyu nepfungwa dzenyu muna Kristu Jesu. Pokupedzisira hama dzangu, chinhu chose chinenge chiri chechokwadi kana chinoremekedzeka kana chakarurama kana chitsvene chose nechinoyevedza kana chinoyemurika nechino runako rwakanyanya kwazvo kana chinorumbidzika, nyatsozvidzamisai izvozvo mundangariro dzenyu. Itai zvamakadzidza mukagamuchira nokunzwa nokuona mandiri. Mwari worugare achava nemi.
Verenga chikamu Vafiripi 4
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Vafiripi 4:1-9
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo