Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kuverengwa 22:32-41

Kuverengwa 22:32-41 SCLB

Mutumwa waTenzi ndokuti, “Waroverei dhongi rako katatu kose? Chinzwa, ini ndauya kuzokudzivisa nokuti zvauri kufambira zvakaipa.” Asi dhongi randiona rikandinyenyeredza katatu kose. Dai risina kundinyenyeredza ndingadai ndatokuuraya iro ndarirega riri benyu. Bhiriamu ndokupindura mutumwa waTenzi achiti, “Inga ndaita chitadzo. Ndanga ndisingazivi kuti imi manga mumire munzira muchindidzivisa. Zvino kana muchiona zvakaipa, ndodzokera zvangu.” Mutumwa waTenzi ndokupindura Bhiriamu achiti, “Enda zvako navo. Asi chandinenge ndakuudza ndicho chete chauchataura.” Naizvozvo Bhiriamu akaenda zvake namachinda aya aBharaki. Bharaki zvaakanzwa kuti Bhiriamu ari kuuya, akaenda kundomuchingura kuguta reMoabhu riri kuna Arinoni rwizi ruri pamuganhu wenyika yake. Bharaki akati kuna Bhiriamu, “Ko inga ndakakutumirai nhume kuzokudaidzai wani, makaregererei kuuya? Chokwadi handikwanisi here ini kukupai mubairo?” Bhiriamu akati kuna Bharaki, “Hezvinoka ndauya. Asi ndingataure here chero chandingangoda kutaura? Shoko randinenge ndapiwa naMwari ndiro chete randichataura.” Bhiriamu ndokuenda naBharaki vakasvika kuKiriatihuzoti. Bharaki akapira mombe nehwai akabvisawo chokupa Bhiriamu namachinda aakanga anawo. Ramangwana racho Bharaki akatora Bhiriamu akakwira naye kunzvimbo yakakwirira yeBhamotibhaari, ari ipapo aikwanisa kuona chikamu chavaIsiraeri.