Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mariko 8:31-38

Mariko 8:31-38 SCLB

Akazotangisa kuvadzidzisa kuti Mwanakomana womunhu anofanira kutambudzika zvikuru, agorambwa navakuru vakuru, navapristi vakuru, nenyanzvi dzoMutemo, ozouraiwa; asi agomukazve mushure memazuva matatu. Akataura izvi pachena. Ipapo Pita akamutora parutivi ndokutanga kumutsiudza. Jesu akatendeuka akaona vadzidzi vake ndokubva atsiudza Pita achiti, “Ndibvirepo, Satani womunhu! Mafungiro akadai haasi aMwari asi avanhu.” Akazodaidza chita chavanhu pamwechete navadzidzi vake akati kwavari, “Kana munhu achida kunditevera, ngaazvirambe, atakure muchinjikwa wake anditevere. Nokuti ani naani anoda kuchengetedza upenyu hwake acharasikirwa nahwo; asi ani naani anorasikirwa noupenyu hwake pamusana pangu napamusana peShoko Rakanaka achahuponesa. Nokuti zvinobatsirei munhu kuwana zvinhu zvose zvapasi pose asi iye achirasikirwa noupenyu hwake? Nokuti chiiko munhu chaangabvise kuti adzikinure upenyu hwake? Ani naani anondinyara kana kunyara mazwi angu pakati pechizvarwa ichi chenzenza dzavanhu nechavatadzi, Mwanakomana womunhu achamunyarawo musi waanouya aine mbiri yaBaba vake pamwe navatumwa vatsvene.”

Verenga chikamu Mariko 8