Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mariko 6:14-44

Mariko 6:14-44 SCLB

Zvino mambo Herodhi akanzwa zvose izvi, nokuti zita raJesu rakanga rava nomukurumbira. Vamwe vaiti, “Johani Muombeki akamutswa muvafi, ndosaka ana masimba akadai maari okuita zvishamiso.” Asi vamwe vaiti ndiEriya, vamwewo vachiti, “Muporofita akangofananawo navamwe vaporofita vakare.” Asi Herodhi, paakanzwa izvi, akati, “Johani uya wandakadimbura musoro ndiye akamutswa.” Nokuti Herodhi uyu akanga atuma vanhu kundobata Johani akamuisa mujeri pamusana paHerodhiasi, mudzimai waFiripi, munun'una wake waakatora. Nokuti Johani aiti kuna Herodhi, “Hazvibvumirwi kuti iwe ugare nomukadzi womunun'una wako.” Ipapo Herodhiasi aiva nedaka naJohani, achida kumuuraya, asi akakoniwa. Pamusana pokuti Herodhi aitya Johani nokuti aiziva kuti munhu wakarurama, mutsvene, aimudzivirira. Zvaimutambudza kwazvo kunzwa zvaaireva asi zvaimufadza kuteerera zvaaitaura. Zvino zuva rakanga rakamirirwa naHerodhiasi rakazosvika nomusi wokupemberera kuberekwa kwaHerodhi. Pazuva iroro, Herodhi akaitira mabiko vakuru–vakuru vehurumende yake navatungamiriri vehondo navakuru–vakuru veGarirea. Mwanasikana waHerodhiasi akapinda akatamba akafadza Herodhi navakanga vagere pakudya naye. Ipapo mambo akati kumusikana, “Ndikumbire hako chero chaunoda ndinokupa.” Uyezve akatopika kwaari achiti, “Ukandikumbira chipi nechipi zvacho ndinokupa, kunyange chikava chikamu chepakati nepakati chezvoushe hwangu.” Zvino musikana uya akabuda panze akabvunza amai vake achiti, “Chii chandingakumbire?” Ivo vakati, “Musoro waJohani anoombeka.” Musikana akabva apinda makare nokuchimbidza kuna Mambo ndokukumbira achiti, “Ndinoda kuti mundipe iye zvino, mudhishi, musoro waJohani Muombeki.” Mambo zvakamurwadza chaizvo, asi nokuda kwemhiko dzake dzaakanga aita, uye pamusana pavaenzi vake, haana kuda kuramba. Pakarepo mambo akatuma musoja wokuchengetedza mambo achimuti auye nomusoro waJohani. Iye akaenda akandomudimura musoro mujeri muya, ndokuuya nawo uri mudhishi, akaupa kumusikana; musikana ndokuupawo kuna amai vake. Zvino vadzidzi vaJohani zvavakazvinzwa, vakaenda, vakatora chitunha chake ndokuchiviga muguva. Zvino vapositori vakadzoka kuna Jesu vachimurondedzera zvose zvavakanga vaita nezvavakanga vadzidzisa. Ipapo iye akati kwavari, “Chiuyai imi muri moga tiende kunzvimbo isina vanhu mumbozorora.” Nokuti vanhu vazhinji vakarambouya nokuenda zvokuti vakanga vachishaiswa kunyange nenguva yokudya. Vakabvapo negwa ndokuenda pachavo vari voga kunzvimbo isina vanhu. Vanhu vazhinji vakavaona vachienda vakabva vavaziva ndokumhanyirako netsoka vachibva mumaguta ose, vakavatangira kusvikako. Kuzoti Jesu asvikako akaona kuwanda kwavanhu ndokubva avanzwira tsitsi nokuti vakanga vakaita sehwai dzisina mufudzi, ndokutanga kuvadzidzisa zvinhu zvizhinji. Kuzoti zvino zuva rarereka, vadzidzi vake vakauya kwaari voti, “Ino inzvimbo isina vanhu uye zuva rarereka iri, chiitai kuti vanhu vaende kumaruwa nokumisha yakapoteredza vandozvitengera zvokudya.” Asi iye akavapindura achiti, “Vapei, iyemi, zvokudya.” Ivo ndokuti kwaari, “Mungati tiende tingondotenga zvingwa zvamazana maviri amadhenari kuti tigozovapa vadye here?” Iye ndokuvati, “Ko mune zvingwa zvingani? Endai mundotarisa.” Kuzoti vazviona, vakati, “Zvishanu nehove mbiri.” Iye akati vanhu vose vagariswe pasi pauswa hunyoro vakaita zvikwata–zvikwata. Vakabva vagara pasi vakaita mapato–mapato, mamwe ezana mamwe emakumi mashanu. Zvino akatora zvingwa zviya zvishanu nehove mbiri akatarisa kudenga ndokukomborera akamedura zvingwa zviya ozvipa kuvadzidzi kuti vape vanhu. Akavagoverawo vose hove dziya mbiri. Vose vakadya; vakaguta. Vakaunganidza zvimedu zvakasara zvezvingwa nezvehove zvikazadza matengu gumi namaviri. Vakadya zvingwa zviya vaiva varume zviuru zvishanu.

Verenga chikamu Mariko 6