Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mariko 4:1-9

Mariko 4:1-9 SCLB

Jesu akatangazve kudzidzisa ari pedyo negungwa. Mhomho huru yavanhu yakamuunganira, zvokuti akatokwira mugwa ogaramo iro riri mugungwa kudaro. Gungano rose ndokuti chechetere pamucheto wegungwa. Akavadzidzisa zvinhu zvakawanda nemienzaniso. Achinokuvadzidzisa kudaro akati kwavari, “Teererai munzwe, Mukushi akaenda kundokusha mbeu. Paakanga achikusha dzimwe mbeu dzakandowira munzira, shiri ndokuuya dzikadzidya. Dzimwe dzakandowira parukangarahwe padzakashaya ivhu rakadzika; dzakabva dzakurumidza kumera nokuti dzakanga dzisina ivhu rakadzika. Kuzoti zuva rakwira dzakapiswa nezuva, sezvo dzakanga dzisina midzi, dzakashwauruka. Dzimwe mbeu dzakandowira muminzwa; minzwa yakakura ikadzivhunga dzikasaita vana. Dzimwewo dzakandowira muvhu rakanaka dzikamera dzikakura ndokuberekana, dzimwe ndokuita makumi matatu, dzimwe makumi matanhatu dzimwewo zana.” Akazoti, “Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.”

Verenga chikamu Mariko 4