Mumazuva achauya zvichaitika kuti gomo reTemberi yaTenzi richaitwa kuti rive gomo rakarebesesa kupfuura makomo ose zvawo. Marudzi avanhu achakurumukira kuenda kwariri, ndudzi zhinji dzavanhu dzichauya dzichiti: “Uyai, tikwire kugomo raTenzi, kumba yaMwari wokwaJakobho atidzidzise makwara ake, titevedze nzira dzake nokuti muZioni ndimo muchabva mutemo, shoko raTenzi richabva kuJerusaremu.” Ndiye achava mutongi wamarudzi avanhu akawanda achienzanisira mhosva dzendudzi dzavanhu kusvikira kuna vari kure kure. Vachapfura mapakatwa avo vachiaita miromo yegejo, mapfumo avo vachiaita majeko okupemhenesa miti nawo, pasisina rudzi runosumudzira rumwe rudzi bakatwa, uye zvokudzidza kurwa hondo panenge pasisina. Asi munhu wose achagara pamunda wake wamagirepisi newamaonde, pasina anovatyisidzira nokuti ndozvataurwa naTenzi wehondo nehondo nomuromo wake. Asi zviripowo ndezvizvi zvokuti: marudzi ose avanhu, rudzi norudzi runofamba muzita ramwari warwo. Isuwo tichafamba muzita raTenzi Mwari wedu narini narini. “Zvanzi naTenzi, pazuva iroro, ndichaunganidza zvirema, ndichakokorodza vakadzingirwa kure navandakapinza nhamo. Zvirema izvozvo ndizvo zvandichaita chitsama chacho chavanhu vanosara. Ivava pamwechete navakambodzingirwa kure vaya ndichavaita rudzi rwakasimba. Tenzi achavatonga ari paGomo reZioni kubvira ipapo kusvikira nokusingaperi.”
Verenga chikamu Mika 4
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mika 4:1-7
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo