Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 8:5-10

Mateu 8:5-10 SCLB

Paakapinda muKapenaumu, mumwe mukuru wezana ramasoja akauya kwaari achimuteterera achiti, “Tenzi muranda wangu arere kumba; mitezo yake yatonhora uye ari kurwadziwa zvakanyanya.” Jesu akati kwaari, “Ndichauya ndizomurapa.” Asi mutungamiri wezana uya akamupindura achiti, “Tenzi handikodzeri kuti mupinde mumba mangu, ingotaurai zvenyu izwi chete, muranda wangu achapora. Ini ndiri munhu ari pasi pavakuru uye ndina masojawo ari pasi pangu. Ndinoti kuno mumwe, ‘Enda,’ achienda uye kune mumwe, ‘Uya,’ achiuya. Ndinoti kumuranda wangu, ‘Ita ichi,’ achichiita.” Jesu paakamunzwa akashamiswa. Akati kuna vaimutevera, “Zvechokwadi ndinoti kwamuri, kunyange muIsiraeri handina kumboona chitendero chakadai.

Verenga chikamu Mateu 8