Zvino kuzoti Sabata rapfuura, mambakwedza ezuva rokutanga revhiki, Maria Magadharena nomumwe Maria uya vakaenda kuguva. Heko kundengendeka kukuru kwenyika kwakaitika nokuti mutumwa waMwari akaburuka kubva kudenga. Akauya akakungurutsa dombo riya ndokugara pamusoro paro. Aitarisika semheni, hanzu dzake dzakachena kuti mbuu samazaya echando. Mapurisa aya akadedera nokumutya vakati papata sokunge vafa. Asi mutumwa akati kumadzimai, “Imi musatye henyu nokuti ndinoziva kuti murikutsvaka Jesu akaroverwa pamuchinjikwa. Haapo pano nokuti amuka sezvaakareva. Uyai muone paanga arere. Zvino chiendai nokukurumidza mundoudza vadzidzi vake kuti amuka muvafi. Arikufanokutungamirirai kuGarirea. Muchamuona ikoko. Hezvoka ndakutaurirai.”
Verenga chikamu Mateu 28
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mateu 28:1-7
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo