Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 14:22-36

Mateu 14:22-36 SCLB

Pakarepo akagombedzera vadzidzi kuti vakwire mugwa kuti vafanotungamira kumhiri; iye oonekana negungano riya ravanhu. Paakapedza kuonekana negungano riya ravanhu akakwira mugomo ari oga kundonamata. Paakanga ava madeko, akanga arimo ari oga. Asi igwa, panguva iyoyo, rakanga rava makiromita akawanda kubva kumahombekombe richiitwa suku nasai namafungu nokuti mhepo yakanga yakanangana navo. Kuzoti yava nguva yomurirakamwe akauya kwavari achifamba pamusoro pegungwa. Asi vadzidzi pavakamuona achifamba pamusoro pegungwa vakatya zvikuru vachiti, “Idzimudzangara.” Vakaridza mhere nokutya. Pakarepo Jesu akabva ataura kwavari achiti, “Tsungai mwoyo, ndini. Musatye.” Ipapo Pita akati, “Tenzi kana murimi, itii ndiuye kwamuri ndichifambawo pamusoro pemvura.” Iye akati, “Uya.” Pita akabuda mugwa akafamba napamusoro pemvura achienda kuna Jesu. Pita paakaona mhepo, akatya. Akatangisa kunyura ndokudaidzira achiti, “Tenzi ndiponesei.” Pakarepo Jesu akabva atambanudza ruoko rwake akamubata achiti kwaari, “Inga une chitendero chiduku. Wakahadzikireiko.” Pavakakwira mugwa, mhepo yakabva yanyarara. Vaya vaiva mugwa vakamugwadamira vachiti, “Zvechokwadi imi muri Mwanakomana waMwari.” Zvino kuzoti vayambuka mhiri, vakasvika kuGenezareti. Varume voko pavakamuziva, vakatuma nhume kunharaunda iyoyo yose vakaunza kwaari vose vairwara. Vakamukumbirisa kuti vangobatawo mupendero wehanzu yake. Vose vakaibata vakaporeswa.

Verenga chikamu Mateu 14