Jesu akadaidza kwaari vadzidzi vake gumi navaviri akavapa simba pamusoro pemweya yetsvina kuti vaidzinge nesimba rokurapa zvirwere zvose namatenda ose. Mazita avapositori gumi navaviri ndaaya: wokutanga ndiSimoni anonzi Pita nomunun'una wake Andireya, kouya Jemusi mwanakomana waZebhedhi naJohani munun'una wake. Kozouya Firipi naBhatoromeo kwoti Tomasi naMateu, muteresi, kwozoti Jemusi mwanakomana waArifeosi naTadheo. Kwozotiwo Simoni muKenani naJudhasi Isikarioti uya akazomupandukira. Jesu akatuma vane gumi navaviri ava achivakomera achiti, “Musaende kune vechirudzi uye musapinde muguta ravaSamaria asi endai kuhwai dzakarasika dzemba yaIsiraeri muparidze pamunenge muchifamba muchiti, ‘Umambo hwokudenga hwavapedyo.’ Rapai vanorwara, mutsai vakafa, murape vana maperembudzi mudzinge mweya yakaipa. Makapiwa pachena, imi ipaiwo pachena. Musatakure mari yendarama kana yesirivha kana yekopa muzvikwama zvenyu, kana tsapo yeparwendo kana hembe mbiri kana shangu kana tsvimbo nokuti mushandi anokodzera kupiwa zvokudya. “Guta riri rose ramunopinda kana musha uri wose wamunopinda bvunzai kuti ndiani anokodzera mauri. Garai naye kusvikira mabvamo. Pamunopinda imomo kwazisai vomumbamo. Kana imba iyoyo ichikodzera, rugare rwenyu ngaruende pairi. Asi kana isingakodzeri, rugare rwenyu ngarudzokere kwamuri. Kana munhu asingadi kukugamuchirai kana kuteerera mazwi enyu, gumai guruva retsoka dzenyu pamunenge mava kubva pamba ipapo kana guta iroro. Zvechokwadi chaizvo ndinoti kwamuri, ‘Pazuva rokutongwa zvicharerukira nyika yeSodhomu neGomora kupinda guta iroro.’
Verenga chikamu Mateu 10
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mateu 10:1-15
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo