Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 9:23-29

Ruka 9:23-29 SCLB

Jesu akati kuna vose, “Kana munhu achida kunditevera, ngaazvirambe atakure muchinjikwa wake zuva nezuva achinditevera. Nokuti uyo anoda kuponesa upenyu hwake acharasikirwa nahwo nouyo anorasikirwa noupenyu hwake pamusana pangu, achahuponesa. Nokuti zvinobatsireiko munhu kuwana zvinhu zvapasi pose asi achizvirasa achizviparadza iye pachake. Ani naani anondinyara kana kunyara mazwi angu, Mwanakomana womunhu achamunyarawo kana wouya mumbiri yake nomumbiri yaBaba neyavatumwa vatsvene. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri pane vamwe vamire pano vasingambozoravira rufu vasati vaona umambo hwaMwari.” Mushure memazuva masere Jesu ataura izvi, akatora Pita naJohani naJemusi vakakwira mugomo kundonamata. Paakanga achinamata, uso hwake hwakasanduka, hanzu dzake dzikachena zvokungarikira kwazvo.

Verenga chikamu Ruka 9