Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 3:1-38

Ruka 3:1-38 SCLB

Mugore regumi nerechishanu roumambo hwaSiza Tibheriasi, Pontio Pirato ari mutongi weJudhea, Herodhi ari mutongi weGarirea, munun'una wake Firipi ari mutongi wedunhu reIturea neTirakonitisi naRisaniasi ari mutongi weAbhirini, Anasi naKaifasi vari vapristi vakuru, shoko raMwari rakasvika kuna Johani mwanakomana waZakariya, ari mugwenga. Johani akapoteredza nenyika iri mhiri nemhiri kweJorodhani achiparidza ruombeko rwokuti vanhu vapinduke varegererwe zvitadzo zvavo. Sokunyorwa kwazvakaitwa mubhuku ramazwi aIsaya muporofita zvichinzi, “Izwi reanodaidzira ari mugwenga achiti: ‘Gadzirirai mugwagwa waTenzi, ruramisai nzira dzake. Nhika dzose ngadzifusirwe, makomo nezvikomo zviparadzirwe; pakakombama paruramiswe nzira dzina magadhi dzinzi chechetere. Vanhu vose vachaona ruponeso rwaMwari.’ ” Naizvozvo akati kuhuzhinji hwavanhu vaiuya kwaari kuzoombekwa naye, “Imi vana venyoka, ndianiko akakunyeverai kuti mutize chirango chirikuuya? Naizvozvo berekai michero inowirirana nokupinduka kwenyu, uye musavambe kuzviti, ‘Tina Abhurahamu sababa vedu, nokuti ndinoti kwamuri, Mwari anogona kumutsira Abhurahamu vana kubva kumatombo aya. Zvino demo ratonangiswa parinotema midzi yemiti; naizvozvo muti wose usingabereki muchero wakanaka unotemwa uchikandwa mumoto.’ ” Ruzhinji rwavanhu rwakamubvunza rwuchiti, “Zvino toiteiko?” Akavapindura achivati, “Ane hanzu mbiri ngaagoveranewo naasina, naane zvokudya ngaaitewo zvimwechetezvo.” Vateresi vakauyawo kuzoombekwa vachiti, “Mudzidzisi, ko isu toiteiwo?” Iye akati kwavari, “Musaterese vanhu kupfuura pamakatemerwa.” Masoja akamubvunza achiti, “Ko isu, toiteiwo?” Iye akati kwavari, “Musatore zviro zvavanhu muchiita zvokupamba kana nokuvarevera nhema asi gutsikanai nemibayiro yenyu.” Zvino vanhu zvavakanga vava nechitarisiro, vose vachizvibvunza nechemumwoyo yavo nezvaJohani, vachifunga kuti zvimwe angadaro ari iye Mesia, Johani akavapindura vose achiti; “Hongu, ini ndinokuombekai nemvura, asi ane simba kupfuura ini ari kuuya. Ini handikodzeri kusunungura rukanda rweshangu dzake. Iye achakuombekai naMweya Mutsvene uye nomoto. “Rusero rwake ruri muruoko rwake kuti aurutse zvapurwa paburiro rake, nokuunganidza koroni achiisa mudura rake, asi hundi achaipisa nomoto usingadzimiki.” Nokudaro Johani akavaparidza Shoko Rakanaka achivakurudzira nenzira dzakasiyana–siyana. Asi Herodhi, mumwe wavatongi vana, zvaakatsiudzwa naJohani pamusana paHerodhiasi mukadzi womunun'una wake uye napamusana pezvakaipa zvose zvaakanga aita, akatowedzera zvakare pamusoro paizvozvi zvose nokuisa kwaakaita Johani mujeri. Vakati zvino vanhu vose vaombekwa, Jesu akaombekwawo. Achingunonamata denga rakazaruka, Mweya Mutsvene, aine muviri unenge wenjiva, akaburukira paari; izwi ndokubva kudenga richiti, “Iwe ndiwe Mwanakomana wangu wapamwoyo ndiwe unondifadza zvikuru.” Zvino, iye Jesu panguva yaakatanga kuita basa rake akanga ana makore makumi matatu. Pakufunga kwavanhu vaiti mwanakomana waJosefi, mwanakomana waHeri, mwanakomana waMatati, mwanakomana waRevhi, mwanakomana waMeriki, mwanakomana waJonai, mwanakomana waJosefi, mwanakomana waMatatiasi, mwanakomana waAmosi, mwanakomana waNahumi, mwanakomana waEsiri, mwanakomana waNagai, mwanakomana waMaati, mwanakomana waMatatiasi, mwanakomana waSemeini, mwanakomana waJoseki, mwanakomana waJodha, mwanakomana waJoanani, mwanakomana waResa, mwanakomana waZerubhabheri, mwanakomana waSheatieri, mwanakomana waNeri, mwanakomana waMeriki, mwanakomana waAdhi, mwanakomana waKosamu, mwanakomana waErimadhamu, mwanakomana waEri, mwanakomana waJoshuwa, mwanakomana waEriezeri, mwanakomana waJorimu, mwanakomana waMatati, mwanakomana waRevhi, mwanakomana waSimeoni, mwanakomana waJudha, mwanakomana waJosefi, mwanakomana waJonamu, mwanakomana waEriyakimu, mwanakomana waMerea, mwanakomana waMena, mwanakomana waMatata, mwanakomana waNatani, mwanakomana waDhavhidhi, mwanakomana waJese, mwanakomana waObhedhi, mwanakomana waBhoasi, mwanakomana waSara, mwanakomana waSarimoni, mwanakomana waNashoni, mwanakomana waAminadhabhu, mwanakomana waAdhimini, mwanakomana waArini, mwanakomana waHezironi, mwanakomana waPerezi, mwanakomana waJudha, mwanakomana waJakobho, mwanakomana waIsaka, mwanakomana waAbhurahamu, mwanakomana waTera, mwanakomana waNahori, mwanakomana waSerugi, mwanakomana waReu, mwanakomana waPeregi, mwanakomana waEbheri, mwanakomana waShera, mwanakomana waKainani, mwanakomana waArifakisadhi, mwanakomana waSemu, mwanakomana waNowa, mwanakomana waRameki, mwanakomana waMetusera, mwanakomana waEnoki, mwanakomana waJaredhi, mwanakomana waMaharareri, mwanakomana waKainani, mwanakomana waEnosi, mwanakomana waSeti, mwanakomana waAdhamu, mwanakomana waMwari.

Verenga chikamu Ruka 3