Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 24:1-35

Ruka 24:1-35 SCLB

Pazuva rokutanga revhiki, mambakwedza chaiwo, vakaenda kuguva vakatakura tunonhuwirira twuya twavakanga vagadzirira. Vakawana dombo riya rakungurutswa kubva paguva. Asi pavakapinda havana kuwana chitunha. Vachiri mukukangaidzwa naizvozvi, havo varume vaviri vakaerekana vamira pavaiva vaine hanzu dzaipenya zvikuru. Zvavakanga vavakutya zvikuru vakamira vakatsikitsira uso pasi. Varume vaya vakati kwavari, “Munotsvakireiko vapenyu mukati mavakafa. Yeukai zvaakakuudzai achiri kuGarirea zvokuti, ‘Mwanakomana womunhu anofanira kuiswa mumaoko avatadzi agorovererwa pamuchinjikwa asi agozomuka nezuva retatu.’ ” Vakayeuka mazwi ake. Pavakadzoka kumakuva vakataurira zvose izvi kuna vane gumi nomumwe nokuna vamwe vose. Vakataurira vapositori zvose izvi, ndiMaria Magadharena naJoana naMaria amai vaJemusi navamwe vadzimai vavaiva navo. Mashoko aya, kwavari, akaita sezvinhu zvisina maturo saka havana kuatenda. [ Asi Pita akasimuka akamhanyira kuguva. Akakotama akadongorera mukati. Akaona machira erineni ari pawo oga. Akaenda kumba achishama nezvakanga zvaitika.] Zuva rakarero vamwe vavo vaviri vaienda kunomumwe musha wainzi Emausi waiva makiromita gumi nerimwechete kubva kuJerusaremu, vachitaurirana nezvezvinhu izvi zvose zvakanga zvaitika. Pavakanga vachitaura vachikurukurirana Jesu pachake akaenda pedyo akafamba navo. Asi vakaita chidzimira vakatadza kumuziva. Jesu akati kwavari, “Ko chii chamuri kutaurirana muchifamba kudai?” Vakamira kuti mbikiti vakati surududu. Mumwe wavo ainzi Kiropasi akamupindura achiti, “Ndiwe woga here muenzi wemuJerusaremu, asingazivi zvinhu izvi zvakaitikamo mazuva ano aya?” Iye akati kwavari, “Zvinhuiko izvozvo.” Ivo vakati kwaari, “ZvaJesu weNazareti, aiva muporofita, ane simba guru muzviito nomushoko pamberi paMwari napamberi pavanhu vose uye kuti vapristi vakuru navatongi vakamukwirira dare kuti atongerwe rufu vakamuroverera pamuchinjikwa. Asi taivimba kuti ndiye aizonunura Isiraeri. Chimwewo ndechokuti zvino atova mazuva matatu zvaitika. Chimwezve ndechokuti mamwe madzimai echikwata chedu vatikangaidza. Vaenda kuguva mangwananingwanani vakashaya chitunha chake. Vadzoka vavakuti vaona chiratidzo chavatumwa vari kuti mupenyu. Vamwe vedu vatangatinavo vaendawo kuguva, vakaona zvinhu zvakaita sokutaura kwanga kwaitwa namadzimai, asi iye havana kumuona.” Jesu ndokuti kwavari, “Oo, inga muri mazirema chaiwo avanhu! Munechinono chaicho kutenda zvose zvakataurwa navaporofita. Zvakanga zvisingafaniri here kuti iye Kristu atambudzike saizvozvi achizopinda mumbiri yake?” Ndipo paakatangisa nokuna Mosesi navaporofita vose achivatsananungurira muMagwaro Matsvene ose zvinhu zvakanangana naiye pachake. Pavakanga vava kuda kusvika pamusha wavaienda, akaita seavakupfuurira. Asi vakamugombedzera vachiti, “Garai nesu nokuti kwava kuda kuvira zuva rapera.” Saka akapinda kundogara navo. Paakanga ari pakudya navo, akatora chingwa akachikomborera ndokuchimedura akachipa kwavari. Maziso avo akabva azaruka vakabva vamuziva, asi iye akabva anyangarika kwavari. Vakataurirana vachiti, “Mwoyo yedu haina kunge yava kutopisirira here mukati medu paanga achitaura kwatiri munzira; paya paanga achitizarurira Magwaro Matsvene?” Vakabva vasimuka nguva yakareyo vakadzokera kuJerusaremu. Vakasvikowana vane gumi nomumwechete vaya vakaungana navamwe vavaiva navo, vakati, “Tenzi wamuka zvechokwadi uye azviratidza kuna Simioni.” Ivowo vakavataurira zvakanga zvaitika panzira uye kuti vakamuziva sei pakumedura chingwa.

Verenga chikamu Ruka 24