Vedzinza rokwaJudha vakauya kuna Joshuwa paGirigari. Karebhu mwanakomana waJefune muKenizi akataura nhuna dzake kwaari achiti, “Muchiri kuyeuka here zviya zvakataurwa naTenzi kuna Mosesi munhu waMwari kuKadheshibharinea, paakataura nezvangu uye nezvenyu. Ini ndakanga ndichine makumi mana amakore pandakatumwa paya naMosesi kuzosora nyika ino ndichibva kuKadheshibharinea. Ndakadzoka ndikamuudza chaizvo zvandainzwa mumwoyo mangu. Asi vamwe vangu vandakanga ndaenda navo vakasvikoodza vanhu mwoyo. Asi ini ndakati kwati naTenzi nomwoyo wangu wose. Pamusi iwoyo Mosesi akapika nemhiko achiti, ‘Chokwadi nyika iyoyo yawakatsika norutsoka rwako ichava nhaka yako nezvizvarwa zvako narini narini nokuti iwe wakati kwati naTenzi, Mwari wangu.’ Zvino chionai, Tenzi akandichengeta sokutaura kwake makore aya makumi mana ana mashanu kubvira musi waataura izvozvi kuna Mosesi, vaIsiraeri vachangunofamba murenje. Hezvino nhasi uno ndava namakore makumi masere ana makore mashanu okuberekwa. Kusimba kwandakanga ndakaita musi wandakatumwa naMosesi, ndokusimba kwandakaita pari nhasi uye simba rangu rokuenda kuhondo kundorwa richiripo. Saka ndipei zvangu nyika yamakomo yakataurwa naTenzi musi uya. Imi makangozvinzwirawo moga musi uya kuti hofori dzokwaAnakimu dziriko, dzina maguta adzo ane tsvingo. Pamwe Tenzi angangondibatsira, ndikavatorera nyika yavo, sokutaura kwakaita Tenzi.” Joshuwa akakomborera Karebhu mwanakomana waJefune ndokumupa guta reHebhuroni senhaka. Saka Hebhuroni yakabva yava nhaka yokwaKerebhu mwanakomana waJefune muKenizi kusvikira pari nhasi nokuti akaramba akati kwati kwati naTenzi, Mwari wavaIsiraeri. Hebhuroni iyi yaimbonzi Kiriatiaribha. Aribha iyeyu uyu aiva munhu mukuru kwazvo pavaAnakimu. Nyika ndokubva yazorora hondo.
Verenga chikamu Joshuwa 14
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Joshuwa 14:6-15
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo