Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 3:1-17

Johani 3:1-17 SCLB

Kwaiva nomumwe munhu webato ravaFarisei ainzi Nikodhimasi, mumwe wedare ravaJudha. Murume uyu akauya kuna Jesu nousiku akati kwaari, “Rabhi tinoziva kuti muri mudzidzisi wakabva kuna Mwari nokuti hakuna anogona kuita zviratidzo zvamunoita kunze kwokuti Mwari ainaye.” Jesu akamuti, “Zvirokwazvo zvirokwazvo ndinoti kwauri, ‘Kana munhu asina kuzvarwa patsva haangaoni umambo hwaMwari.’ ” Nikodhimasi akati kwaari, “Ko iye munhu angazvarwe sei iye avamukuru, anogona here kupinda kechipiri munhumbu maamai vake achizozvarwa?” Jesu akapindura achiti, “Zvirokwazvo zvirokwazvo ndinoti kwauri, ‘Kana munhu akasazvarwa nemvura naMweya haangapindi muumambo hwaMwari. Chinenge chazvarwa nenyama inyama chinenge chazvarwa naMweya mweya usashamisike nezvandati unofanira kuzvarwa patsva. Mhepo inovhuvhuta kwainoda, unonzwa kuvhuvhuta kwayo asi hauzivi kwainobva kana kwainoenda. Ndizvo zvimwechetezvo nomunhu wose anoberekwa naMweya.’ ” Nikodhimasi akamupindura achiti, “Izvi zvingaitike sei?” Jesu akamupindurawo achiti, “Iwe uri mudzidzisi weIsiraeri kudai haunzwisisi zvinhu izvi sei? Zvirokwazvo zvirokwazvo ndinoti kwauri tinotaura zvatinoziva uye tinopupura zvatakaona asi hamugamuchiri uchapupu hwedu. Kana ndikakutaurira nezvepasi hamutendi mungatende sei kana ndikataura nezvokudenga. Hapana akambokwira kudenga kusiya iye akaburuka achibva kudenga, mwanakomana womunhu.” Sokusimudzira nyoka mudenga kwakaita Mosesi murenje saizvozvo Mwanakomana womunhu anofanira kusimudzwawo, kuti munhu wose anotenda maari awane upenyu husingaperi. Mwari akada pasi zvikuru zvokuti akapa Mwanakomana wake mumwechete kuti munhu wose anotenda maari arege kufa, asi kuti awane upenyu husingaperi. Nokuti Mwari haana kutumira Mwanakomana wake pasi kuzopa pasi mhosva asi kuti pasi paponeswe naye.

Verenga chikamu Johani 3