Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 15:1-5

Johani 15:1-5 SCLB

“Ini ndini mugirepisi wechokwadi Baba vangu ndivo murimi. Bazi rimwe nerimwe risingabereki muchero vanoribvisa. Uye bazi rimwe nerimwe rinobereka muchero, vanoripemhena kuti ribereke muchero wakawanda. Imi makatonatswa nokupemhenwa nezwi randakakutaurirai. Garai mandiri neniwo ndichigara mamuri. Bazi zvarisingakwanisi kubereka muchero nokwaro roga risina kubatanidzwa nomugirepisi ndizvozvowo zvinemi hamukwanisi kubereka muchero kana musiri mandiri. Ini ndini mugirepisi imi ndimi mapazi acho. Anogara mandiri ndichagarawo maari iyeyo ndiye anobereka muchero wakawanda, nokuti musineni hapana chamunogona kuita.

Verenga chikamu Johani 15