Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 11:17-57

Johani 11:17-57 SCLB

Jesu paakasvika akawana Razaro atova muguva kwamazuva mana. Bhetania iri pedyo neJerusaremu, makiromita anenge matatu. VaJudha vazhinji vakanga vauya kuna Marita naMaria kuzovabata maoko ehanzvadzi yavo. Marita paakanzwa kuti Jesu avakusvika akaenda kundomuchingura Maria akagara mumba. Marita akati kuna Jesu, “Tenzi dai makanga muri pano hanzvadzi yangu ingadai isina kufa. Nyange iye zvino ndinoziva kuti chose chamunokumbira kuna Mwari, Mwari anokupai.” Jesu akati kwaari, “Hanzvadzi yako ichamukazve.” Marita akati kwaari, “Ndinoziva kuti achamukazve pakumuka, pazuva remhedziso.” Jesu akati kwaari, “Ndini kumuka nouupenyu. Anotenda mandiri kunyange akafa achava mupenyu. Munhu anogara akabatana neni uye anotenda mandiri haazombofa. Unotenda here izvi?” Akati kwaari, “Hongu, Tenzi chokwadi ndinotenda kuti ndimi Mesia. Mwanakomana waMwari anonzi achauya pasi pano.” Paakataura izvi akaenda akadaidza munun'una wake Maria chinyararire achiti, “Mudzidzisi ari pano uye anokudana.” Paakazvinzwa akabva asimuka nokukurumidza akaenda kwaari. Ipapo Jesu akanga asati apinda mumusha iwoyo. Akanga achiri paya paakachingurana naMarita. Naizvozvo vaJudha vakanga vaina Maria mumba vachimubata maoko, pavakamuona achisimuka nokukurumidza achibuda vakamutevera vachifunga kuti avakuenda kuguva kundochemako. Maria paakasvika paiva naJesu akamuona akawira pasi patsoka dzake achiti, “Tenzi dai makanga muri pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa.” Jesu paakamuona achichema uye vaJudha vaakauya navo vachichemawo, akashungurudzwa mwoyo akatambudzika. Akati, “Makandomuradza kupi?” Vakati kwaari, “Tenzi, uyai muone zvenyu.” Jesu akachema. VaJudha vakati, “Tarisai muone kumuda kwaaiita.” Vamwewo vakati, “Ko iye akasvinudza bofu maziso aitadza here kudzivirira munhu uyu kufa.” Jesu akashungurudzwazve mumwoyo zvakanyanya ndokubva asvika paguva rakanga riri bako rine ibwe pamuromo paro. Jesu akati, “Bvisai ibwe.” Marita, hanzvadzi yomufi, yakati kwaari, “Tenzi paari otonhuhwa nokuti atova namazuva mana akafa.” Jesu akati kwaari, “Handina here kumbokutaurira kuti ukatenda uchaona mbiri yaMwari.” Nokudaro vakabvisa ibwe riya. Jesu akatarisa kudenga akati, “Baba, ndinokutendai nokuti mandinzwa. Ndinoziva kuti munondinzwa nguva dzose. Asi ndataura izvi kuitira vanhu vamire pano ava, vadavire kuti makandituma.” Paakataura izvi akazodaidzira nezwi guru achiti, “Razaro buda!” Mufi akabva abuda maoko ake namakumbo akamoneredzwa netumicheka uso hwake hwakanga hwakaputirwa nejira. Jesu akavati, “Musunungurei aende.” Naizvozvo vaJudha vazhinji vakanga vauya kuna Maria vakaona zvaakanga aita vakatenda maari. Asi vamwe vavo vakaenda kuvaFarisei vakavataurira zvakanga zvaitwa naJesu. Ipapo vakuru vakuru vavapristi navaFarisei vakaunganidza makurukota avo padare vakati, “Toita sei, nokuti munhu uyu anoita zviratidzo zvakawanda. Tikamurega achidaro vose vachatenda maari, vaRoma vachauya vakaparadza Temberi iyi nerudzi rwedu.” Asi mumwe anonzi Kaifasi, aiva ari mupristi mukuru gore iroro akati kwavari, “Inga hamuna nechamunoziva, hamuzivi kuti zvakanaka kwamuri kuti munhu mumwechete afire vanhu kuti rudzi rwose rwurege kuparara.” Haana kutaura izvi nokuda kwake oga asi somupristi mukuru wegore iroro aiporofita kuti Jesu anofanira kufira rudzi. Uye kwete kufira rudzi chete asi kukokorodza pamwechete vana vaMwari vakapararira kwose kwose. Saizvozvo kubvira pazuva iroro vakarangana kuti vangamuuraye sei. Naizvozvo Jesu haana kuzofamba pachena mukati mavaJudha. Akabvapo akaenda kunyika iri padyo nerenje kuguta rinonzi Efuremu. Akagara navadzidzi vake ikoko. Izvozvo Pasika yavaJudha yakanga yava kusvika saka vanhu vazhinji vaibva kumaruwa vachikwira kuJerusaremu pasika isati yasvika vachindozvichenura. Vaitsvaka Jesu vachitaurirana vamire muTemberi vachiti, “Munofungei nhaimi? Angarege here kuuya kuzuva guru.” Zvino vapristi vakuru navaFarisei vakanga vakomera kuti anenge angoziva kwaari anofanira kuvazivisa kuti vamusunge.

Verenga chikamu Johani 11

Zvemahara. Hurongwa neZviverengwa zveKuzvipira maringe neJohani 11:17-57