Ipapo Jesu akatizve kwavari, ndinoti kwamuri, “Idi chaizvo ini ndini musuo wehwai. Vose vakanditangira dzaiva mbavha namakororo asi hwai hadzina kuvateerera. Ini ndini musuo. Anopinda napandiri achaponeswa; achapinda nokubuda zvake achiwana mafuro. Mbavha inouya chete kuzoba, nokuzouraya nokuparadza, ini ndakauya kuti vanhu vawane upenyu, uye kuti vawane upenyu huzere. Ini ndini mufudzi wakanaka mufudzi wakanaka anofira hwai dzake. Muronzerwi, asiri mufudzi uye asiri muridzi wehwai akaona mhumhi ichiuya anosiya hwai dziya achitiza, mhumhi inobvuta hwai; dzimwe dzigoti mwanda kupararira. Anotiza nokuti muronzerwi chete uye haana hanya nehwai. Ini ndini mufudzi wakanaka ndinoziva hwai dzangu uye hwai dzangu dzinondizivawo sokundiziva kunoita Baba, iniwo ndinoziva Baba, ndokusaka ndichiparadza upenyu hwangu kuitira hwai. Ndine dzimwe hwai dzisiri dzedanga rino ndinofanira kudziunzawo. Idzo dzichanzwawo izwi rangu saizvozvo kuchava nedanga rimwechete nomufudzi mumwechete.
Verenga chikamu Johani 10
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Johani 10:7-16
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo