Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vatongi 7:1-14

Vatongi 7:1-14 SCLB

Jerubhaari, iye Gidheoni, navanhu vose vaaiva navo vakamuka rungwanangwana vakandodzika matendhe pedyo nechisipiti cheHarodhi. Matendhe evaMidhiani aiva ari nechokuchamhembe kwavo, mubani, pedyo nechikomo cheMore. Tenzi akataurira Gidheoni achiti, “Vanhu vaunavo vakawandisa kuti ndiise vaMidhiani mumaoko enyu nokuti vaIsiraeri vangazozvizuwidza vachiti, ‘Takazvinunura nesimba redu isu pachedu.’ Naizvozvo chiudza vanhu vachizvinzwira nenzeve dzavo uchiti, ‘Anenge achidedera nokutya, ngaadzokere zvake kumusha.’ ” Gidheoni akavaedza; varume vaisvika makumi maviri ezviuru nezviuru zviviri vakadzokera, kukasara zviuru gumi zvavarume. Tenzi akataurira Gidheoni zvakare achiti, “Vanhu ava vakawandisa nazvino wese. Enda navo kumvura, ndikuudze waungasarudze. Wandinenge ndati ngaaende newe, ndiye achaenda newe. Wandinengewo ndati haaende newe, ngaarege kuenda newe.” Saka Gidheoni akaenda nevanhu ivavo kumvura. Tenzi ndokuti kuna Gidheoni, “Vanhu vanenge vachinwa mvura vachiita zvokukasva sembwa vaise pavo voga, uisewo pavo vanenge vachiinwa vakapfugama.” Mazana matatu avarume vakaita zvokuikasva namaoko avo, asi vamwe vose vakapfugama pakunwa mvura iyoyo. Tenzi akati kuna Gidheoni, “Namazana matatu avarume vaita zvokukasva mvura, ndichakununurai, ndigoisa vaMidhiani mumaoko enyu. Rega vamwe vose vaende mumwe nomumwe kumusha kwake.” Saka Gidheoni akadzosera vamwe vaIsiraeri vose kumatendhe avo, kusiya mazana matatu aya. Akatora mbuva nehwamanda dzavamwe vaya. Matendhe evaMidhiani akanga ari nechenyasi mubani. Usiku hwakarehwo Tenzi akamuti, “Simuka uende kumatendhe avo nokuti ndaaisa mumaoko ako. Kana uchitya kudzikako, chiperekedzanai nomuranda wako Pura, mundonzwa zvavari kutaura, unobva wasimba mwoyo, wozodzika kundorwisa hondo yavo.” Saka iye nomuranda wake Pura vakaenda kumapeto kwamatendhe kwaiva navarume vehondo. VaMidhiani nevaAmareki navanhu vose vokumabvazuva vakanga vagara vachitevedzana nebani iroro vakaita semhashu kuwanda. Ngamera dzavo dzakanga dzisingaverengeki dzakangoita sejecha repamahombekombe pegungwa. Gidheoni paakasvikako, mumwe murume akanga achirondedzera mumwe wake hope dzake achiti, “Mufungeka ndarota hope. Ndarota ndichiona chingwa chebhari chauya kumatendhe avaMidhiani chichiita zvokukunguruka. Chasvikorova rimwe tendhe rikati pasi bvu-u.” Mumwe wake ndokuti, “Hakuna chimwe. Ibakatwa raGidheoni mwanakomana waJoashi muIsiraeri. Tenzi atoisa vaMidhiani nehondo yavo yose mumaoko ake.”

Verenga chikamu Vatongi 7