Zvino aya ndiwo marudzi avanhu akaregwa naTenzi arimo okuedza nawo vaIsiraeri vose zvavo vakanga vasina kumbenge vaona hondo ichirwiwa muKanani. Zvaingoitirwa kuti vezvizvarwa zvaIsiraeri vagoziva hondo, uye kuti adzidzise kurwa vaya vainge vasati vaziva hondo. Marudzi anoti: madzishe mashanu avaFirisitia kwouya vaKanani vose navaSidhoni naHivhi vaigara kumakomo okuRebhanoni kubvira kugomo reBhaariherimoni kusvikira toda kupinda kuHamati. Vakaregwa varimo kuedza vaIsiraeri kuti kugoonekwa kuti vachateerera here mitemo yaTenzi yakaudzwa madzibaba avo nomuromo waMosesi. Saka vaIsiraeri vakatogara zvavo mukati mavaKanani navaHiti navaAmori navaPerizi navaHivhi navaJebhusi. Vaitoroorerana navo vachitonamata zvavo vamwari vavo. VaIsiraeri vakaita zvakaipa zvisingadiwe naTenzi. Vakakanganwa Tenzi, Mwari wavo, vakanamata vanaBhaari naAsheroti. Naizvozvo hasha dzaTenzi dzakavirukira vaIsiraeri akabva avaisa mumaoko amambo Kushanirishataimu wokuMesopotamia. VaIsiraeri vakapedza makore masere vachimushandira. VaIsiraeri vakazochema kuna Tenzi. Tenzi akavamutsira mununuri akavaponesa, ainzi Otinieri mwanakomana waKenazi, munun'una waKarebhu. Mweya waTenzi wakauya paari akatonga Isiraeri. Akaenda kuhondo, Tenzi akaisa mumaoko ake mambo Kushanirishataimu wokuMesopotamia akamukurira. Nyika ikabva yava norunyararo. Nyika yakabva yava norunyararo kwamakumi mana amakore, ndokubva Otinieri mwanakomana wavaKenazi azofawo zvake.
Verenga chikamu Vatongi 3
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Vatongi 3:1-11
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo