Chisimuka uti ngwe-e kuvheneka nokuti chiedza chako chasvika uye mbiri yaTenzi yapenya pamusoro pako nokuti tarisa uone nyika ichanzi kwidiba nerima, vanhu vachanzi nezarima gude gude. Asi pauri Tenzi achanyatsoti ngwe-e, mbiri yake ichaonekwa pauri. Vechirudzi vachauya kuchiedza chako, madzimambo achauya kuchiedza chako chinenge chasimuka.
Verenga chikamu Isaya 60
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Isaya 60:1-3
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo