Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 59:1-21

Isaya 59:1-21 SCLB

“Teerera unzwe, ruoko rwaTenzi runoponesa; haruna kupera simba, zvokuti haachagona kuponesa nzevewo dzake dzinonzwa hadzina kudzivira. Asi kutoti uipi hwenyu ndihwo hwakakuparadzanisai naMwari wenyu, zvivi zvenyu zvikavanza uso hwake kwamuri zvokuti haachambokunzwai, nokuti maoko enyu akasvibiswa neropa, uye minwe yenyu nezvakaipa, uye miromo yenyu nokureva nhema, rurimi rwenyu runotaura zvakaipa. “Hapana anokwirira mumwe kumatare mhosva chaiyo yechokwadi, hapana anonyatsotevedza zviri pamurao. Vanovimba netwaanotaura tusina maturo vachireva nhema zvavo. Vanodyara misikanzwa vachizokohwa zvakaipa. Vanochechenya mazai echiva, vanoruka dandadzi, anodya mazai azvo, anofa, rinenge rangochochonywa chete, munobva mabuda mvumbi. Madandadzi avo iwayo haangamboshandiswa sembatya, vanhu havangambopfeka zvinenge zvarukwa nawo. Twavanobata ivo tunhu twouipi chete, mabasa avanobata namaoko avo ndeoutsinye. Zvakaipa ndozvavanomhanyirira, vanofatira kudeura ropa ravanhu vasina mhosva. Uipi ndohwavanoswerofunga, migwagwa yavo mikuru vanosiya yangove matongo noumharadzi. Chinonzi rugare havachizive, maitiro avo haana ruenzaniso, mafambiro avo akakombama, anodimura nemariri rugare haamborunhuwa. “Heya ndokusaka ruenzaniso rwava kure kwazvo nesu kudai ururami uhu hatichambohunhuhwa. Patinotarisira kuwana mwenje tinongowana hero rima, pototi tiwanewo chiedza ndopatava kufamba muzarima. Tinotsvanzvadzira madziro samapofu tichiputaira savanhu vasina maziso. Tinodzadzarika masikati machena sokunge manheru, pakati pavanhu chaivo vakasvika, isu tinenge zvitunha. Tose tinobongomora sezvitsere, tinouura nokuura senjiva tichitarisirawo kuwana ruenzaniso asi ruenzaniso hapana tichitarisirawo ruponeso asi ruri kure kwazvo nesu. “Nokuti zvatakanganisa pamberi penyu zvawanda, kutadza kwedu tinokuziva, nokuti zvatakakutadzirai tinazvo mumwoyo, mhosva dzedu tinodziziva. Ndedzidzi dzinoti: kukukanganisirai, nokukurambai imi Tenzi, nokukupai gotsi kwatinoita tichifuratirai imi Mwari wedu nenyaya dzoutsinye kudyara mhodzi youmhandupandu, mumwoyo'mu, dziri nyaya dzemakuhwa. Ruenzaniso runonzi kure narwo, ururami hwava kumirira kure nesu nokuti chokwadi, pamatare, hapasisina, kutendeka kwapata. Hapana kwaunowana chokwadi anenge angoti regai ndisiyane nouipi ndiye anobva atopinda mupfumvu.” Tenzi akazviona uye hazvina kumufadza kuti hapana ruenzaniso. Akaona kuti pakanga pasina kana munhu zvake, akashamiswa kuti pakanga pasina angarandutsire. Ipapo simba roruoko rwake rakamuwanisa kukunda, ururami hwake huchimutsigira. Akapfeka ururami demautare rokuzvidzivirira naro muhondo noruponeso senguwani yesimbi, akapfeka kutsividza sehanzu dzokupfeka akazviputira nehasha somunhu afuka jira. Achavatsividza maererano nezvavakaita mhandu dzake achidzionesa hasha, vavengi vake achivatsividza. Nyika dzokumahombekome kwegungwa achadzitsividza. Naizvozvo vachatya zita raMwari kubva kumadokero, iyo mbiri yaMwari kubva kumabvazuva nokuti achauya sakakova kazere kanenge kachitututswa nemhepo yaTenzi. “Achauya kuZioni soMununuri, kune vokwaJakobho vanenge vadzoka vasiyana nezvitadzo, ndizvo zviri kutaurwa naTenzi.” Tenzi anoti, “Kana ndirini, chitenderano changu navo ndechichi chokuti, Mweya wangu uri pauri namashoko angu andakaisa mumuromo mako, hazvifaniri kumbobva pamuromo pako uye hazvifaniri kubva pamuromo pavana vako kana pamuromo pavana vavana vako kubvira zvino kusvikira narini wose,” ndizvo zviri kutaurwa naTenzi.

Verenga chikamu Isaya 59