Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaHebheru 1:1-14

VaHebheru 1:1-14 SCLB

Karakare, Mwari aitaura kumadzitateguru edu kazhinji–zhinji, nenzirawo dzakasiyana–siyana nemiromo yavaporofita, asi mumazuva ano okupedzisira akazotaura kwatiri nomuromo woMwanakomana wake, waakaita mugari wenhaka yezvinhu zvose. Ndiyewo waakasika naye pasi pose. Ndiye anoratidza pachena mbiri yaMwari, ndiyezve mufananidzo chaiwo wamamiriro akaita Mwari, anochengetedza mumaoko ake zvisikwa zvose nezwi rake rinesimba. Paakapedza kuita basa rokuchenesa vanhu kuzvivi, akandogara kurudyi rwaSamasimbaose ari kumusorosoro, aitwawo mukuru kuvatumwa vedenga sezita raakanga apiwa rakanyanya kunaka kupfuura ravo. Ndoupi mutumwa akambonzi naMwari; “Iwe uri Mwanakomana wangu, nhasi ndakubereka?” Kana kuti; “Ndichave baba kwaari, iye agove Mwanakomana kwandiri?” Uyezve paakaunza dangwe rake pasi pose anoti, “Vatumwa vose vaMwari ngavamupfugamire kumunamata.” Nezvavatumwa anoti; “Anoita vatumwa vake kuti vave mhepo, varanda vake kuti vave rimi romoto.” NezvoMwanakomana anoti; “Chigaro chenyu choushe, imi Mwari, chinozoramba chiripo nokusingaperi. Uye tsvimbo yoruenzaniso ndiyo tsvimbo youmambo hwenyu. “Imi makada ururami mukavenga unyangadzi, “Ndosaka Mwari, iye Mwari wenyu, akakugadzai ukuru pamusoro pavamwe venyu nokukuzodzai namafuta orufaro. Imi Tenzi makawarika ugaro hwapasi pose uye matenga ibasa ramaoko enyu. Izvi zvichaparara asi imi mucharamba muripo. Zvose zvichasakara sehanzu. Muchazvipeta sejasi, sechipfeko zvichasanduka asi imi munoramba makangodaro, makore enyu haagumi.” Ndoupi mutumwa waakamboti, “Gara kurudyi rwangu, kusvikira ndaita vavengi vako chitambarariko chetsoka dzako? Handiti Mweya yose inebasa rokushanda here? Yakatumwa kuti indoitira basa avo vose vachazogara nhaka yoruponeso here?”

Verenga chikamu VaHebheru 1