Varume ava vakatora chipo ichi nemari yakapetwa kaviri kuwanda, pamwe chete naBhenjamini, vakasimuka vakaenda kuIjipiti kwavakasvika vakaonana naJosefi. Kuzoti Josefi aona vaina Bhenjamini, akaudza mutariri wezvemba yake achiti, “Enda navarume ava kumba kwangu undobaya chipfuwo ugadzire zvokudya. Varume ava vachadya neni masikati ano.” Mutariri uyu akaita zvaakaudzwa naJosefi, ndokuenda navo kumba kwaJosefi. Varume ivavo vakatya pavakaunzwa kumba kwaJosefi. Vakati, “Taunzwa kuno nokuda kwemari iya yakadzoserwa mutsapo dzedu parwendo rwokutanga. Atiunza muno achida kuwana manzvengeredzero okutipomera mhosva achibva atisunga otiita varanda vake achibva atitorera madhongi edu.” Nokudaro vakaenda kumutariri wezvemba yaJosefi vakataura naye vari pamusuo wemba. Vakati, “Tapota changamire, takambouya kuno kuzotenga zvokudya asi takati tichisvika patakavata usiku, takasunungura tsapo dzedu, wanei mari iya yakanga yabviswa nomumwe nomumwe wedu iri pamuromo wetsapo yake yakangodaro nomwero wayo chaiwo. Zvino heinoi mari yacho tadzoka nayo. Asi hatizivi akaisa mari yacho mutsapo dzedu. Izvozvi totouya neimwe mari mumaoko kuzotenga zvokudya. Asi iya iya hatimboziva akaiisa mutsapo dzedu.” Mutariri uyu ndokuti, “Regai zvenyu kutambudzika. Musatye zvenyu. Mwari wenyu, iye Mwari wababa wenyu, ndiye chete akakuisirai mari mutsapo dzenyu. Mari yenyu ndini ndakanga ndaigamuchira.” Ipapo akabva avaunzira Simeoni. Mutariri uyu akapinda navo mumba maJosefi. Akavapa mvura, vakashamba tsoka dzavo. Akapawo madhongi avo zvokudya. Varume ivavo vakafanogadzirira zvipo zvavo vachimirira Josefi akanga anzi achauya masikati kuzodya navo. Josefi akazosvika mumba umu, varume ava vakandomugwadamira vachimupa zvipo zvavo. Josefi akavabvunza zvokumusha kwavo achiti, “Ko baba venyu vaya vamakati vakwegura vakadii zvavo? Vachiri vapenyu here?” Ivo vakati, “Muranda wenyu ivo baba vedu varipo zvavo, vapenyu vaya.” Vakagwadamira Josefi vachimuremekedza.
Verenga chikamu Mavambo 43
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mavambo 43:15-28
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo