Kuzoti vashambadzi vorudzi rwevaMidhiani ava vasvikapo, vakoma vake vakakweva Josefi vachimuburitsa mugomba umu, vakabva vamutengesa kuvaIshimaeri ndokupiwa mari yesirivha makumi maviri, vaIshimaeri ava ndokuenda naye kuIjipiti. Rubheni paakazodzokera kugomba kuya, akaona Josefi musisina, ndokubva abvarura hanzu dzake neshungu. Akadzokera kuvanun'una vake, ndokusvikoti, “Vakomana, inga mwana haasisimo mugomba. Zvino ini ndinoenda kupiko ini!” Vakabva vauraya mbudzi ndokunyika hanzu yaJosefi iya muropa rayo. Vakatumira hanzu yake yemaoko marefu iya kuna baba vavo vachiti, “Onai zvatanonga izvi. Tarisaiwo muone kana iri hanzu yomwana wenyu kana kuti kwete.” Jakobho akaiziva ndokubva ati, “Inga ihanzu yomwana wangu! Akadyiwa nechikara chete! Chokwadi Josefi akaparara!” Jakobho akabvarura hanzu dzake neshungu. Akapfeka masaga akabva achema mwana wake kwamazuva mazhinji. Vana vake vose vakomana navasikana vakaedza kumunyaradza, asi mwoyo wake wakaramba kusununguka. Akati, “Ndichadzamara kufa ndichizoenda kunzvimbo yavachakabvu ndichichema mwana wangu.” Ndokuchema kwaiita baba vake zuva nezuva.
Verenga chikamu Mavambo 37
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mavambo 37:28-35
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo