Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mavambo 3:6-10

Mavambo 3:6-10 SCLB

Mukadzi akaona kuti muti wacho wakanaka kudya zve unoyevedza kutarisa uyewo kuti unogona kungwarisa munhu. Ipapo akabva atora muchero wawo akadya, akapawo murume wake akadyawo. Pakarepo meso avo, vose vari vaviri, akapengenuka, vakaziva kuti havana kusimira. Vakasonanidza mashizha omuonde vachizvigadzirira zvokupfeka. Ava manheru kwotonhorera vakanzwa Mwari Tenzi achifamba-famba zvake mubindu, Adhamu nomukadzi wake vakahwanda Mwari Tenzi mukati memiti yomubindu imomo. Asi Mwari Tenzi akadaidza Adhamu achiti, “Uri kupiko?” Adhamu akati, “Ndanzwa kufamba kwamanga muchiita mubindu ndikatya nokuti handina kusimira, ndokubva ndahwanda.”

Verenga chikamu Mavambo 3