Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mavambo 3:15-19

Mavambo 3:15-19 SCLB

Ndichaisa ruvengo pakati pako nomukadzi napakati pechizvarwa chake nechizvarwa chako, chizvarwa chake chichapwanya musoro wako, iwe ucharuma chitsitsinho chake.” Kumukadzi, Mwari akati, “Ndichaita kuti urwadziwe chaizvo, paunenge wakatakura mimba napakusununguka vana. Uchagara wakapanga murume wako, iye ari wokukutonga.” Kuna Adhamu, Mwari akati, “Pamusana pokuti wateerera zvako mukadzi wako, ukadya muti wandakati usadye; nyika yapinda rushambwa pamusana pako, chokudya chako kuti uchiwanewo panyika, uchaita chokutamburira upenyu hwako hwose. Nyika ichamera minzwa norukato. Iwe uchadya zvokudya zvomusango. Chokudya chako chichava chedikita kudzamara wadzokera muvhu, nokuti wakabva kuivhu, uri vhu, uchadzokerazve kuivhu.”

Verenga chikamu Mavambo 3

Zvemahara. Hurongwa neZviverengwa zveKuzvipira maringe neMavambo 3:15-19