Mavambo 24:1-16
Mavambo 24:1-16 SCLB
Zvino Abhurahamu akanga achembera mazuva aendedzana Tenzi akanga amukomborera pazvinhu zvose. Abhurahamu akataurira muranda wake mukuru pazera pana vose mumusha make aiva mutariri mukuru wokutarisa zvose zvemhuri yake, vachiti, “Isa ruoko rwako pasi pechidya changu, ugopika naTenzi, Mwari wedenga napasi, kuti hauzotorera mwanakomana wangu mukadzi pavasikana veKanani vandigere navo asi kuti uchazoenda kunyika kwangu, kune hama dzangu, kundotsvakira mwana wangu, Isaki, mukadzi ikoko.” Muranda akati, “Ko kana mukadzi wacho akaramba kuuya neni kuno, ndinofanira kudzorera mwana wenyu kunyika kwamakabva here?” Abhurahamu akati, “Kwete. Usambodzorera zvako mwana wangu ikoko. Tenzi, Mwari wedenga akandibvisa pamusha wababa vangu, munyika yandakaberekerwa akandipikira achiti, ‘Nyika ino ndichaipa kuzvizvarwa zvako,’ ndiye achatuma mutumwa wake kuzokutungamirira kuti undotorera mwana wangu mukadzi ikoko. Kana mukadzi iyeyo aramba kuuya newe, iwe uchasunungurwa pamhiko yangu yawapika. Asi chako iwe rega kudzokera nemwana wangu ikoko.” Muranda uyu akaisa ruoko rwake pasi pechidya chaAbhurahamu, vatenzi vake, ndokupika mhiko yacho. Muranda uyu akatora gumi, pangamera dzavatenzi vake, nezvipo zvakasiyana-siyana zvakanakisisa zvaibva kuna vatenzi vake, akasimuka, oenda kuMesopotamia kuguta raNahori. Akaita kuti ngamera dzake dzirare patsime raiva kunze kweguta, manheru, nguva inouya vakadzi kuzochera mvura. Akanamata achiti, “Tenzi, Mwari waAbhurahamu, vatenzi vangu, nzwirai tsitsi vatenzi vangu Abhurahamu, mundibatsire ndiwane zvandafambira. Onai ndimire pano patsime pachauya vanasikana vavanhu vomuguta rino kuzochera mvura. Zvino musikana wandinenge ndati nditekerewo mvura ndinwe, kana iye akapindura achiti, ‘Inwai zvenyu uye ndichapawo ngamera dzenyu mvura yokunwa,’ iyeyo ngaave musikana wamakasarudzira muranda wenyu Isaki. Ndizvo zvichandiratidza kuti maitira mwoyochena vatenzi vangu.” Asati ambopedza kutaura pakabva pasvika Ribheka mwanasikana waBhetueri. Bhetueri uyu akaberekwa naMirika, mudzimai waNahori munun'una waAbhurahamu. Ribheka akasvika akatakura chirongo chake papfudzi. Zvino musikana uyu aiva nechimiro chakanaka kwazvo, iri mhandara isina kumbosangana nomurume. Akapinda mutsime akazadza chirongo chake nemvura akabuda.

