Abhurahamu paakanyunyutira Abhimereki nezvetsime remvura rakanga rapambwa navaranda vaAbhimereki, Abhimereki akati, “Handizive akaita izvozvo. Iwe hauna kumbondiudzawoka. Ndatotangisa kuzvinzwa nhasi uno.” Abhurahamu akatora hwai nemombe ndokupa Abhimereki, vakabva vasunga chibvumirano pauviri hwavo. Abhurahamu akatsaurawo nhunzvi nomwe dzehwai ndokudziisa padzo dzoga. Abhimereki akabvunza Abhurahamu achiti, “Ko nhunzvi nomwe idzi dzawatsaura dzinoreveiko?” Abhurahamu akati, “Gamuchirai nhunzvi nomwe idzi sechiratidzo chokundipupurira kuti ndini ndakachera tsime iri.” Naizvozvo nzvimbo iyoyo yakatumidzwa zita rokuti Bheerishebha nokuti ipapo vakaitirana mhiko pauviri hwavo.
Verenga chikamu Mavambo 21
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mavambo 21:25-31
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo