Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ezekieri 9:3-4

Ezekieri 9:3-4 SCLB

Ipapo kupenya kwokuvapo kwaTenzi weIsiraeri kwakanga kwabva pamakerubhu pakwaigara kwaenda kumusuo wemba yacho. Iye akadaidzira kumurume akanga akapfeka rineni uya aiva nekaguchu keingi padivi pake. Ipapo Tenzi akati kwaari, “Enda nomuguta, nomuJerusaremu uise rupao pahuma dzavanhu vanodemba vachidunura pamusana pezvinhu zvose zvinosemesa zviri, kuitwa mariri.”

Verenga chikamu Ezekieri 9