Mosesi akati kuna Tenzi, “Tenzi wangu, ini handigoni kunyatsotaura. Hazvisi zvanhasi chete, ndakangobvira kare ndakadai, kanawo pamanga muchitaura neni ndizvo ndizvo. Ini ndinondandama nokutaura ndichikakama.” Tenzi akati kwaari, “Ko ndianiko akasika muromo womunhu? Ko ndiani anoita kuti munhu ave mbeveve kana matsi? Ndiani anopa munhu maziso, kana kumupofomadza? Handiti ndini iyeni Tenzi here? Saka zvino chienda. Ini ndichakubatsira pakutaura kwako. Ndichakurayiridza zvokutaura.” Asi Mosesi akati, “Ndapota zvangu Tenzi wangu, tumai zvenyu mumwe munhu!”
Verenga chikamu Kubuda 4
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Kubuda 4:10-13
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo