Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kubuda 19:1-25

Kubuda 19:1-25 SCLB

Pazuva chairo rakapera mwedzi mitatu yokubva kwavo kuIjipiti vaIsiraeri vakasvika murenje ReSinai. VaIsiraeri vakanga vabva kuRefidhimu vakasvika murenje reSinai vakadzika matendhe avo pakatarisana negomo. Mosesi akakwiramo kundosangana naMwari. Tenzi ari mugomo imomo akadaidzira kuna Mosesi achiti, “Taurira vanhu vemba yaJakobho, uudze vaIsiraeri kuti, ‘Makaonaka zvandakaita kuvaIjipiti, mukaonawo matakuriro andakakuitai segondo riri kubhururuka rine charakatakura ndichikuunzai kwandiri. Zvino mukanditeerera nomwoyo wose, muchichengeta chitenderano changu, pamarudzi ose muchava soupfumi hunokosha kwazvo kwandiri, nokuti pasi pose ndepangu. Kwandiri ini, imi muchava nyika yavapristi, rudzi runoera. Izvi ndizvo zvaunofanira kutaurira vaIsiraeri.’ ” Mosesi akaburuka mugomo, akakokorodza vakuru vakuru vose vavaIsiraeri akavapirawo mashoko iwayo ose aakanga audzwa naTenzi. Ipapo vanhu vose vakapindura pamwechete vachiti, “Zvose zvarehwa naTenzi tichazviita.” Mosesi akandoudza Tenzi zvakanga zvataurwa navanhu. Tenzi akaudza Mosesi kuti, “Ndichauya kwamuri ndiri mugore rakasviba kuti ndindo-o, kuitira kuti vanhu vandinzwe ndichitaura newe, naizvozvo vachazogara vachiti rawareva ndiroro.” Mosesi akandoudza Tenzi zvakanga zvataurwa navanhu. Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Enda undoti vaIsiraeri ngavazvinatse nhasi namangwana, vasuke hanzu dzavo, vange vagadzirira pazuva retatu nokuti pazuva retatu ini Tenzi ndichauya pamusoro peGomo reSinai vanhu vose vachiona. Iwe unofanira kutarira vanhu muganho unoripoteredza kuti varege kudarika muganho iwoyo vachikwira mugomo kana kuswedera mujinga maro. Kuwana anorigunzva anotourayiwa chete. Asaite kana zvokubatwa namaoko. Ngaaite zvokutemwa namabwe kana kupfurwa nomuseve, ingave mhuka kana munhu chaiye urayai chete. Vanhu vanotozouya kugomo kana hwamanda yaridzwa zvakati rebei.” Mosesi akaburuka mugomo umu oenda kuvanhu. Akandotaurira vaIsiraeri kuti vazvinatse; vakasuka hanzu dzavo. Mosesi akaudza vanhu kuti, “Gadzirirai kubvira nhasi kusvikira pazuva retatu, pasava naanopinda mumba nomukadzi.” Pazuva retatu, mangwanani, mugomo makafumonzwikwa kutinhira nemheni, pagomo pakava negore rakati kwirindindi, kwakanzwikwawo kurira kukuru kwehwamanda, vanhu vose vakadedera nokutya mumatendhe. Mosesi akabva navanhu kumatendhe akauya navo kuzosangana naMwari, vanhu vakasvikomira mujinga megomo. Gomo rose reSinai rakati gude gude kufukidzwa noutsi, nokuti Tenzi akanga aburukira pamusoro paro ari mumoto. Utsi hwakati togo-o sokunge huri kubva muvira romoto. Gomo rose rakandengendeka zvikuru. Kuzoti ruzha rwehwamanda rwanyanya kuramba ruchikura, Mosesi akataura. Tenzi akamupindura nezwi raiita zvokutinhira. Ipapo Tenzi akaburukira pamusoro peGomo reSinai, akadaidzira kuna Mosesi kuti akwire pamusoro pegomo, Mosesi ndokukwira. Tenzi akataurira Mosesi kuti, “Buruka undoyambira vanhu kuti varege kudarika muganho vachida kundiona nokuti vakangodaro vazhinji pakati pavo vangafe. Kunyangewo vapristi vanouya pedyo neni Tenzi vanofanira kunge vatozvinatsawo. Kana vakarega kudaro iyeni Tenzi ndinovaparadza.” Mosesi akapindura Tenzi achiti, “Vanhu havangagoni kukwira mugomo muno reSinai nokuti imi pachenyu makatiti tiripoteredze nomuganho, tirierese.” Tenzi akamuti, “Chiburuka undouya naAroni. Vapristi navanhu ngavarege kudarika muganho, kana kukwira kuno kwandiri. Kana vakadaro ndichavaparadza.” Mosesi akaburuka akandoudza vanhu izvozvo.

Verenga chikamu Kubuda 19