Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kutsinhira Mutemo 30:11-20

Kutsinhira Mutemo 30:11-20 SCLB

“Ndinodaro nokuti mutemo uyu wandiri kukupa nhasi uno hausi mutemo wakanyanya kukuomera, uye hausi kure newe. Hausiri kudenga zvokuti ungati, ‘Ndiani angakwire kudenga kundotitorera murao wacho kuti tiunzwe tiuchengete?’ Hausiri kumhiri kwegungwa zvokuti ungati, ‘Ndianiko angatiyambukire gungwa kundotiunzira murao wacho tiunzwe tiuchengete?’ Asi murao wacho unawo pauri ipapo, uri parurimi rwako, uri mumwoyo mako kuti uuchengete. “Chinzwa, nhasi uno ndaisa pamberi pako, uku upenyu nezvakanaka uku rufu nezvakaipa. Kana ukachengeta mitemo yaTenzi Mwari wako yandiri kukuudza nhasi uno, ukada Tenzi Mwari wako nokufamba munzira dzake uchichengeta zvirevo nemitemo nemirao yake, muchagara zvenyu mugowanda, ipapo Tenzi Mwari wenyu achakukomborerai munyika yamuri kundotora kuti ive yenyu. Asi iwe ukatsauka zvako nomwoyo wako uchiramba kuteerera uchizokweverwa kundopfugamira vamwe vamwari uchivashandira, ndinokuudzai nhasi uno kuti muchaparadzwa hamuzogara mazuva mazhinji munyika yamuri kuyambukira Jorodhani kundotora kuti ive yenyu. Denga nenyika ngazvindipupurirewo nhasi uno kwauri kuti ndakuisira uku upenyu, uku rufu uyewo uku chikomborero, uku rushambwa kuti uzvisarudzire. Saka chisarudza upenyu kuti urarame iwe navana vako, ude Tenzi Mwari wako, umuteerere, uti kwati kwati naye nokuti ndiye upenyu hwako nezvo achakupa mazuva mazhinji okuti ugare munyika yakatsidzwa naTenzi kupa madzitateguru ako vanaAbhurahamu naIsaki naJakobho.”