Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 8:30-35

Mabasa 8:30-35 SCLB

Firipi akamhanyira kwaari akamunzwa achiverenga Isaya muporofita. Akabvunza kuti, “Muri kunzwisisa here zvamuri kuverenga.” Iye akati, “Ndingagonzwisisa sei kusatoti mumwe anditsanangurira.” Akakumbirisa Firipi kuti akwire agare naye. Zvino ndima yaMagwaro Matsvene yaaiverenga ndeiyi. “Sehwai iri kuendwa nayo kundouraiwa kana sehwayana iri pamuveuri wayo, haana kumboti muromo bufu. Mukuninipiswa ikoku haana kuitirwa zvaaikodzera Ndiani angatsanangure nezvechizvarwa chake nokuti upenyu hwake hwakabviswa panyika.” Muyuniki akati kuna Firipi, “Nditaurirewo kuti muporofita uyu ari kutaura nezvani, nezvake here kana kuti nezvomumwewo?” Ipapo Firipi akatangisa kutaura achibvira pandima iyi yaMagwaro Matsvene, akamutaurira zveShoko Rakanaka rezvaJesu.

Verenga chikamu Mabasa 8