Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 4:5-22

Mabasa 4:5-22 SCLB

Ava mangwana acho vatongi vavo navakuru vakuru navanyori vakanga vakaungana muJerusaremu naAnasi, mupristi mukuru naKaifasi naJohani naArekizanda navose vokumba yomupristi mukuru. Pavakavaisa pakati vakavabvunza kuti makaita izvi nesimba raani uye nezita raani. Zvino Pita, azere naMweya Mutsvene, akati kwavari, “Imi vatongi vavanhu navakuru vakuru kana tiri kugadzirwa dare nhasi uno basa rakanaka rakaitwa kumhetamakumbo iyi kuti munhu uyu akarapwa sei, ngazvizivikanwe kwamuri mose uye kuvanhu vose veIsiraeri kuti nezita raJesu Kristu weNazareti wamakarovera pamuchinjikwa akamutswa naMwari kuvakafa pamusana pake munhu uyu amire pamberi penyu akasimba. Iri ndiro dombo rakarambwa nemi vavaki asi rava dombo guru rapakona. Hakuna mumwezve munhu anogona kuponesa nokuti hakuna rimwezve zita pasi pose rakatumidzwa munhu pakati pavanhu ratinofanira kuponeswa naro.” Pavakaona chivindi chaPita naJohani uye vachiona kuti vanhu vasina kudzidza, vachingova vanhuwo zvavo, vakashamiswa. Vakazviona kuti vakambenge vaina Jesu. Asi zvavaiona munhu uya akanga aponeswa akamira padyo navo hapana chavakagona kutaura. Pavakavati vambobva mudare, vakakurukurirana vachiti, “Toita sei navanhu ava nokuti zvokuti chiratidzo chinonyatsoonekwa chaitwa nemavari zviri pachena kuna vagari vose vomuJerusaremu uye hatikwanisi kuzviramba. Asi kuti zvirege kupararira pakati pavanhu ngativayambirei kuti vasambotaurazve kuna ani nani zvake nezita irori.” Nezvo vakavadaidza vakavakomekedza kuti vasambotaura zvavo kana kudzidzisa zvako muzita raJesu. Asi Pita naJohani vakavapindura vachiti, “Chimbopafungaiwo zvenyu kuti zvingaite here, pamberi paMwari, kuteerera imi panokuteerera Mwari. Isu hatigoni kurega kutaura zvatakaona nezvatakanzwa.” Pavakawedzera kuvayambira vakavarega vachienda vashaya pokuvaranga napo pamusana pavanhu nokuti vanhu vose vairumbidza Mwari nezvakanga zvaitika. Chikonzero ndechokuti munhu akaitirwa chiratidzo ichi chokuponeswa akanga ava namakore anopfuura makumi mana.

Verenga chikamu Mabasa 4