Pauro akanyatsotarisana nedare akati, “Hama ndakagara nehana yakachena pamberi paMwari kusvikira pari nhasi.” Mupristi mukuru Ananiya akati kune vakanga vamire pedyo naye vamurove pamuromo. Pauro akati kwaari, “Mwari achakurova, iwe chidziro zvacho chadzururwa kuchena nesuko. Ndozvawakagarira ipapo kuti unditonge zviri pamutemo asi uchityora mutemo nhai? Uri kuti ndinofanira kurohwa.” Vakanga vamire padyo naye vakati, “Unoda kushora mupristi mukuru waMwari here?” Pauro akati, “Handina kuziva, hama dzangu, kuti mupristi mukuru nokuti zvakanyorwa zvichinzi, ‘Haufaniri kutaura zvakaipa nezvemutongi wavanhu vako.’ ”
Pauro, paakaona kuti chimwe chikamu chaiva chiri chavaSadhusei, chimwe chiri chavaFarisei akadaidzira mudare achiti, “Varume hama ini ndiri muFarisei, mwana womuFarisei. Ini ndiri kupinzirwa dare pamusana pechitarisiro uye kumuka kwavakafa.” Paakataura izvi pakabva pava nokupesana pakati pavaFarisei navaSadhusei. Musangano wakabva wakamukana. Chiripo ndechokuti, vaSadhusei vanoti zvokumuka kwavafi hapana kana mutumwa kana mweya asi vaFarisei vanoti zvose izvozvo zviriko. Pakabva pamuka bopoto guru. Dzimwe nyanzvi dzomutemo webato ravaFarisei vakasimuka vachipikisa vachiti, “Hapana chatinoona chakaipa nomunhu uyu. Ko, zvichida mumwe mweya kana kuti mumwe mutumwa akataura naye!”
Kupikisana uku zvakwakasvika pokuti bata wabata, mukuru mukuru wamasoja, nokutya kuti Pauro angangodamburwa damburwa navo, akati masoja adzike andomutora nechisimba pakati pavo vamuunze munzvimbo inogara masoja. Usiku hwakatevera, Tenzi akamira pedyo naPauro akati, “Tsunga mwoyo, nokuti sokundipupurira kwawaita muJerusaremu unofanira kundopupurawo kuRoma.”
Pakwakachena vaJudha vakaita bangano vakazvisunga nemhiko yokuti havambodya kana kunwa kusvikira vatouraya Pauro. Vakaita bangano iri vaipfuura makumi mana. Vakaenda kuvaPristi vakuru navakuru vakuru vakati tanyatsozvisunga nemhiko kuti hatimbodyi kusvikira tauraya Pauro. Naizvozvo imi pamwe nedare taurirai mukuru mukuru wamasoja kuti amudzikise kwamuri sokunge munoda kunyatsotsvakisisa mhosva yake nemazvo chaimo. Isu takagadzirira kumuuraya asati ambosvika pedyo.
Zvino mwana wehanzvadzi yaPauro akanzwa zvokuhwandira kwavo. Nezvo akandopinda munzvimbo yaigara masoja akataurira Pauro. Pauro akadaidza mumwe wavatungamiri vezana akati, “Endai nejaya iri kumukuru mukuru wamasoja nokuti ane zvimwe zvaari kuda kumutaurira.” Naizvozvo akamutora akaenda naye kumukuru mukuru wamasoja uya akati, “Pauro musungwa uya andidana akandikumbira kuti ndiunze jaya iri kwamuri nokuti rine zvarinoda kutaura kwamuri.” Mukuru mukuru wamasoja akamubata ruoko akaenda naye parutivi omubvunza muchivande achiti, “Chii chaunoda kunditaurira.” Iye akati, “VaJudha varangana kuti vakukumbirei kuti mudzikise Pauro kudare mangwana sokunge vanoda kunyatsotsvagisisa mhosva yake nemazvo chaimo. Asi imi musabvume nokuti kune vanhu vavo varume vanopfuura makumi mana vanenge vakamuhwandira vatozvisunga nemhiko yokuti havamboruma chinhu kana kunwa chinhu kusvikira vatouraya Pauro. Iye zvino vatogadzirira. Vangomirira chitsidzo chenyu.” Mukuru mukuru wamasoja akaendesa jaya riya achiriudza kuti risataurire kana munhu zvake kuti ramuudza izvozvi.
Akadaidza vatungamiri vezana vaviri akati, “Paawa yechipfumbamwe mauro ano, gadzirirai masoja mazana maviri navarwi vanotasva mabhiza makumi manomwe navanorwa namapfumo mazana maviri vokuenda kuSezaria, muwanisewo Pauro mabhiza okutasva, mumusvitse zvakanaka kuna gavhuna Ferekisi. Akanyora tsamba sezvizvi:
“Ini Kiraudiusi Risiasi,
ndinokunyorerai imi vanoremekedzwa
vaGavhunha Ferekisi ndichikukwazisai.
Murume uyu akabatwa navaJudha
akanga oda kutouraiwa navo.
Pandakavasvikira namasoja ndakamununura
ndikanzwa kuti muRoma.
Pandainge ndichida kuziva mhosva yavaimupa
ndakadzika naye kudare ravo.
Ndakaona kuti vaimupa mhosva dzezvemutemo wavo
asi hapana mhosva yavaimupa inokodzera rufu
kana kuiswa mujeri.
Pandakaziviswa kuti pane bangano rakaitirwa iye,
ndabva ndamutumira kwamuri pakarepo
ndichiudzawo vari kumupa mhosva
kuti vataure pamberi penyu zvaakatadza.”
Naizvozvo masoja, sokuudzwa kwavakanga vaitwa, vakaenda naye nousiku vakamusvitsa kuAndipatirisi. Mangwana acho vakadzokera kunzvimbo inogara masoja vosiya varwi vamabhisa kuti vaende naye mberi. Pavakasvika kuSezaria vasvitsa tsamba iya kuna Gavhuna vakaturira Pauro kwaari. Paakaverenga tsamba iya, akabvunza kuti anogara kudunhu ripi. Paakaziva kuti ndeweSirisia akati, “Ndichakunzwa kana vari kukupa mhosva vasvika.” Akati ngaachengetedzwe mumuzinda waHerodhi.