Pavakanga vava kubuda vanhu vakakumbira kuti vazovataurirazve zvinhu izvi paSabata raitevera. Pakapera musangano wapasinagogu, vaJudha vazhinji navanamati vaMwari vakanga vapindukira kuchiJudha, vakatevera Pauro naBhanabhasi vakataura kwavari vachivakurudzira kuti varambe vari munyasha dzaMwari. Pasabata rakatevera chifo cheguta rose rakaungana kuti vazonzwa shoko raMwari. VaJudha pavakaona manyore manyore avanhu vakazadzwa neshanje vakapikisana nezvaitaurwa naPauro vakamunyomba. Pauro naBhanabhasi vakataura nokushinga vachiti, “Shoko raMwari raifanira kutanga rataurirwa kwamuri. Zvino zvamariramba mukaona kuti hamukodzeri upenyu usingaperi, chinzwai, isu tava kuenda kune vechirudzi. Ndizvo zvatakaudzwa naTenzi kuti tinofanira kuita paakati, “ ‘Inga ndakaita kuti uve chiedza kune vechirudzi kuti ruponeso rwangu rusvike kwakaperera nyika chaiko.’ ” Vechirudzi pavakazvinzwa, vakafara vakarumbidza Shoko raMwari, vose zvavo vakanga vakasarudzirwa upenyu usingaperi vakatenda. Shoko raMwari rakapararira munyika iyoyo. Asi vaJudha vakamutsa mweya usina kunaka pakati pamadzimai epamusoro, vanamati, navakuru vakuru vechirume vomuguta iroro vakatanga kutambudza Pauro naBhanabhasi vakavadzinga mudunhu ravo. Asi ivo vakazunza guruva patsoka dzavo rokuti vazviparira rushambwa, vakaenda kuIkoniumu. Vadzidzi vakazadzwa norufaro uye naMweya Mutsvene.
Verenga chikamu Mabasa 13
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mabasa 13:42-52
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo