Dhavhidhi akanamata kuna Tenzi achikumbirira mwana iyeyu. Dhavhidhi akatsanya akapinda mumba akapedza usiku akati pasi zvambarara. Vakuru vakuru vemumuzinda wake vakamira paaiva vachida kuti asimuke, asi akaramba, akarambawo kudya navo. Pazuva rechinomwe mwana uyu ndiye sarai. Makurukota aDhavhidhi akatya kumutaurira kuti mwana wafa vachiti, “Tarisai muone mwana paakanga achiri mupenyu takataura naDhavhidhi asi akaramba kutinzwa. Ko kuzoti iyezvino, tingamutaurire sei kuti mwana afa. Angadaro akazvikuvadza.” Asi Dhavhidhi paakaona makurukota ake achiita zevezeve vari pamwechete, Dhavhidhi akabva azivawo kuti mwana wafa. Dhavhidhi akati kumakurukota ake, “Mwana wafasu?” Ivo vakati, “Watisiya uya.” Dhavhidhi akati pasi kwanyanu akashamba akazvizora mafuta akapfeka dzimwe hanzu. Akapinda mumba yaTenzi akanamata. Akadzokera zvake kumba kwake. Akakumbira vakamugadzikira chokudya akadya. Makurukota ake akati kwaari, “Zvamaita izvi zvinorevei? Manga muchitsanya muchichema mwana paanga achiri mupenyu. Asi pazofa mwana masimuka mukadya.” Iye akati, “Mwana paanga achiri mupenyu, ndanga ndichitsanya ndichichema ndichiti hazvizikanwe zvimwe Tenzi angandinzwire tsitsi mwana akararama. Asi zvino zvaashaya kudai chii chandichatsanyira? Ndingakwanise here kumuti adzokere kuno zvakare? Ini ndini ndichatoenda kwaari, asi iye kwandiri kuno haadzokeri.”
Verenga chikamu 2 Samueri 12
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 2 Samueri 12:16-23
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo