Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Samueri 12:1-15

2 Samueri 12:1-15 SCLB

Tenzi akatuma Natani kuna Dhavhidhi. Paakasvika kwaari akamuti, “Kwaiva navamwe varume vaviri mune rimwe guta. Mumwe aiva mupfumi mumwe ari murombo. Mupfumi wacho aiva nemombe nezvimwe zvipfuwo namatanga. Asi murombo akanga asina nechinhu chose achingova chete nehwayana sheshe yaakanga atenga. Akairera ikakura ainayo pamwechete navana vake. Chaaidya ndochayaidyawo ichinwirawo mumukombe wake, ichitorara zvayo mumaoko ake, ichinge mwanasikana kwaari. Zvino mupfumi uyu akasvikirwa nomweni. Haana kuda kubayira mweni uya akanga amushanyira mombe kana chimwe chipfuwo chomudanga make. Asi kutoti akatora hwayana iya yomurombo akabayira muenzi uya akanga amushanyira.” Dhavhidhi akavirukira munhu iyeyo nehasha akati kuna Natani, “NaTenzi chaiye mupenyu, munhu iyeyo anofanira kufa. Anofanira kuripa hwayana iyoyo kakapetwa kana pamusana pezvaakaita izvozvo uye pamusana pokuti haana kuita tsitsi.” Natani ndokuti kuna Dhavhidhi, “Iyemi ndimi munhu wacho. Zvanzi naTenzi, Mwari weIsiraeri, ‘Ndakakugadza umambo hweIsiraeri ndikakununura mumaoko aSauro. Ndakakupa ini imba yaiva yatenzi wako, ndakaita kuti vakadzi vatenzi wako vave vako ndikaisa mumaoko ako mhuri yokwaIsiraeri neyokwaJudha, dai izvozvo zvanga zviri zvishoma ndingadai ndakakupa zvakapetwa kaviri. Wazvidzireiko zvakarehwa naTenzi uchiita zvisingadiwe naTenzi? Wakaurayisa Uriya muHiti nebakatwa, ukatora mukadzi wake uchimuita wako. Asi iye ukamuuraya nebakatwa revaAmoni. Saka naizvozvo hondo yebakatwa haibve mumba mako nokuti wandizvidza ukatora zvako mukadzi waUriya muHiti uchimuita wako.’ Zvanzi naTenzi, ‘Chinzwa unzwe ndichakumutsira zvimwe zvakaipa mumba mako chaimo. Ndichakutorera vakadzi vako iwe wakatarisa nameso ako ndovapa kune mumwe wako. Iye acharara navakadzi vako masikati machena nokuti wakazviita muchivande. Asi ini ndichazviita Isiraeri yose ichizviona, masikati machena.’ ” Dhavhidhi akati kuna Natani, “Ndakatadzira Tenzi.” Natani ndokuti kuna Dhavhidhi, “Tenzi akuregererai chitadzo chenyu hamuchafa. Kunyange zvakadaro zvazvo, pamusana pokuti makatoshora Tenzi zvikuru kwazvo nezvamakaita izvozvo, mwana mukomana wamuchaberekerwa anofanira kutoti afe.” Natani akaenda zvake kumba kwake.